‘Ndinowachiswa, kubika nekurohwa nemukadzi’

Cassius Mushore
MURUME wekugara achizvambaradzwa nemukadzi wake akachema-chema mudare achiti anogona kupedzisira aremadzwa nekuda kwekurikitwa kwaari kuitwa uye akaratidzawo ronda rekurohwa riri mumusoro make. Sherperd Moyo akamhan’arira Merita Garwe kuHarare Civil Court achiti aoneswa pfumvu nekurohwa nemukadzi wake.

“Mukatarisa musoro wangu ndine ronda rakadzika randakarohwa nemukadzi amire apa uyu changamire.
“Chokwadi mukasandidzivirira ndichatoremadzwa nemukadzi wandakaroora.
“Mukadzi wangu haacharara pamba handizivi kuti anenge aripi.

“Ndakambotaurira hama dzake kuti vagadzirise nyaya iyi asi hapana zvakachinja kuratidza kuti atsiurwa,” akadaro Moyo.
Akati akambopindwa nemweya wekuda kusungisa Garwe mushure mekunge amurova ndokumukuvadza asi akazomunzwira tsitsi.
“Zvose ndinomuitira kubva pakubika nekuwacha, hapana kana chaanogona kuita semunhu wechikadzi, chaanogona kurwa chete,” akadaro.
Garwe akaudza dare kuti ndiye anotogara achirwiswa naMoyo paruzhinji.

Akati Moyo ane katsika kekutora nharembozha yake otanga kufonera vanhurume vose vanenge vari mufoni yake achida kuziva kuti ndivanani.
“Anogara achitaura kuti uchaona kuti handina hunhu, ini pamusha apa ndiri kugarira kushinga chete,” akadaro.
Mutongi Barbra Mateko akati nyaya yevaviri ava yaizodzoka mudare zvakare.

Related Posts

Mwanakomana oda kuuraya amai, hanzvadzi

Tendai Gukutikwa MURUME wekuWatsomba, kwaMutasa — uyo anonzi ave nemakore akawanda achishungurudza amai vake pamwechete nehanzvadzi yake achivapomera huroyi nekuvimbisa kuvauraya — nyaya yake yakaendeswa kumapurisa naMambo Mutasa mushure mekuona…

Ndaitya kuti ndave kufa: Seh Calaz

Langalihle Mhiti SEH Calaz, kekutanga, anoburitsa pachena kuti aitya kuti akange ave kufa apo akarwa zvakanyanya gore rapfuura. Shasha yeZimdancehall iyi anotsanangura pamusoro pekupora kwake kunoshamisa uye kutenda zvakasimba kunaMwari…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×