Musikana wehohwa akatsakatikisa mwana

Kingstone Mapupu
MUSIKANA wechidiki wemuHarare, nyakubuda muKwayedza masvondo adarika achipupura kuti anoita zvechipfambi izvo zvave kuita kuti amere zvinhu zvinenge hohwa kusikarudzi yake mushure mekunge ashinha nemumwe murume waasingazive, anonzi akazongodzoka kumba asisina mwana kasvava ako akasununguka mwedzi wapera.

Paakatanga kubuda mubepanhau rino, Tarisai Batoni (20), wepanhamba 4809 Glen Norah A, aive nepamuviri paaiti haazive muridzi wapo apo akazosununguka mwana mukomana.

Tarisai inherera izvo zvaanoti ndizvo zvakamuita kuti aite zvechipfambi.
Musikana uyu anonzi akabva pamba nekasvava kake nguva yadarika zvichitevera kushanyirwa kwaakaitwa nevamwe vake vaanoita navo mabasa echipfambi asi ndokudzoka asisina mwana.

Tete vake, Mai Elby Batoni, vanoti vakashamiswa kuona Tarisai achidzoka kumba svondo rapera pamberi ari oga, asina mwana achiti aiva amusiya kubazi reSocial Welfare uko ava kuchengetwa.
Mai Batoni vanoti havazive kwakasiiwa mwana uyu naTarisai.

“Tarisai akatiza pano pamba pekutanga apo akabvakachirwa neshamwari dzake ndokuenda nemwana zvachose. Akazodzoka asina mwana achiti aiva asiya kasvava aka kuSocial Welfare.

“Ukamubvunza haakwanise kutsanangura zvizere, anongoti akamusiya kuHighfield. Paakadzoka pano pacho asina mwana haana kugara, akabva atiza zvakare. Izvozvi hatizive kwaari saka kuti titsvage kune mwana uyu tabva tashaya pakutangira,” vanodaro Mai Batoni.

Vanoti vane fungidziro yekuti Tarisai anogona kunge akauraya mwana uyu neshamwari dzake dzechipfambi kuitira kuti vasasane zvakanaka.
“Patakamboshaya musikana uyu apo akatiza nekasvava takaenda kumapurisa eZRP kuGlen Norah kunovazivisa. Asi izvozvi hatisati taenda kunovataurira kuti akazodzoka asisina mwana uye akazotiza zvachose.

“Fungidziro yedu huru ndeyekuti ari kugara kumabhesi avo echipfambi kune vamwe vake, kunosanganisira kuGlen View nekuHighfield uko isu tisina kumbobvira takusvika,” vanodaro tete vaTarisai.
Vakavimbisa Kwayedza kuti vari kuronga kuzoenda kumapurisa kunovazivisa nezvechiitiko ichi.

Mutauriri wemapurisa munyika, Chief Superitendent Paul Nyathi, vanoti vanoda nguva yekuongorora nyaya iyi.
Tarisai akatanga kumera zvinhu zvinenge hohwa mushure mekushinha nemumwe murume wekuSouth Africa uyo anofungidzirwa kuti akamushandisira mishonga yakaipa.
Asi vezveutano vanoti Tarisai ane mhopo, dzinogona kukonzerwa nehosha dzepabonde.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×