‘NDINOWACHISWA NEMUDZIMAI’

 . . . . vana vachiona, havachakwanisi kundiremekedza

Memory Lemani
SAMUSHA wekuoneswa ndondo nemukadzi wake kuburikidza nekutukirirwa pamberi pevana akazokwidza dambudziko rake kudare.

Tichaona Rutsito akaudza mutongi weHarare Civil Court kuti mukadzi wake, Beatrice Chipandwa ari kumushaisa mufaro mumba mavo.

“Changamire wangu, kumba uku handichina mufaro. Tava nemakore 20 taroorana asi haazvioni zvose izvozvo, kuti tinofanira kuchengetedza wanano yedu.

“Nekugara tose kwataita uku uye kukura kwataita, anoita zvose zvaanoda pandiri mumaziso mevana vedu. Pose patinotadza kuwirirana, chero nekuda kwezvinhu zvidiki-diki, anopopota achindidyunga-dyunga nechigunwe chake mumusoro nepachipfuva achinditi hapana zvandinomuita.

“Ndinotogara semuranda muimba yandakavaka nekuda kwemukadzi uyu. Ndikangomutsiura chete inobva yaita hondo yekuti musi iwoyo mumba hamudyiwi rinopisa, munhu achindiwachisa pamberi pevana.

“Vana vedu havasisina rukudzo neni. Vanondiona sendisiri chinhu. Ndinoti ndikada kuvatuma amai vavo vanoti, ‘usatuma vana vangu nekuti havasi vako’,” akadaro Rutsito.

Akaenderera mberi achiti mukadzi wake haadi kana kuona hama dzake pamba pavo.

“Pamba pangu pava kutoita sekunge pakaberekera shumba nekuda kwake. Kana hama dzangu chaidzo hadzichatombondishanyira nekuti haadi kudziona. Kutaura kuno akadzinga hanzvadzi yangu achiti ndiri kudanana nayo. Handizivi kuti imhosva here kuchengeta hama.

“Chiri kunyanya kundirwadza ndechekuti akatora matitle deeds emba akaviga, ari kutondidzinga mumba.”

Pakatongwa nyaya iyi, Chipandwa akanga asimo mudare.

Mutongi Trevor Nyatsanza akapa Rutsito gwaro redziviriro ndokuti vaviri ava vagarisane murunyararo.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×