‘Ndinozadzwa sti nemurume wangu’

Gamuchirai Muzanenhamu
MUKADZI akaroorwa ari kudunura achiti murume wake anogara achimuzadza zvirwere zvepabonde uye anotora vana achienda navo kushamwarikadzi dzake uko vononorezvana vana ava vachiona. Milfred Kamota akaendesa Special Mudzingaidzwa kudare reHarare Civil Court achida kuti amiswe kumushungurudza, kumutuka uye kutaura mashoko ekunyepa pamusoro pake.

“Anondituka zvinyadzi pamberi pevana vangu uye anotaura mashoko ekunyepa achinditi ndinoroya shamwarikadzi dzake,” anodaro.

Anoti Mudzingaidzwa anobva pamba odzoka aine zvirwere izvo anomuzadza paanomumanikidza bonde.
“Anouya kubva kushamwarikadzi dzake osvikondizadza maSTI (zvirwere zvepabonde) achiita zvekundimanikidza.

“Dzimwe nguva handitomboende kuchipatara kuti ndizive kuti chii chiri kundirwadza nekuti ndinenge ndatoona kare kuti iye anacho chirwere chacho. Ndikamubvunza anonditi handisi mukadzi, ndokusaka achitsvaga vanhukadzi vanomufadza,” anodaro Kamota.

Anoti Mudzingaidzwa anotora vana, oenda navo kushamwarikadzi dzake.
“Dai ainetsana neni chete zvaiva nani, asi ari kutora vana oenda navo kushamwarikadzi dzake, onoita zvaanoita ikoko vana vakatarisa. Vana ndivo vanotozondiudza zvimwe zvacho zvisinei nezera ravo,” anodaro Kamota.
Mudzingaidzwa anoti haapikisane nechikumbiro chaKamota kunyangwe zvazvo achireva nhema.

“Handirambe chikumbiro chake nekuti hapana chandinobva, handina chandichada kubva kwaari asi zvaari kutaura manyepo,” anodaro.

Anoti vakarambana kare naKamota uye haachaziva kwaari kugara.
“Takarambana, kwaari kugara handitokuzive saka zvekuti ari kutukwa kana kushungurudzwa handifunge kana ndiri ini ndiri kudaro,” anodaro.

Mutongi Manasse Musiiwa akapa Kamota gwaro redziviriro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *