Mufushwa wemutsine

MUFUSHWA wemutsine kudya kwechivanhu kunokurudzirwa sezvo kuchipa utano. Mumufushwa tinowana Vitamin A, B neC.
Svondo rino Tecla Moyana wekuChiredzi anotsanangudza mamwe mabikirwo emufushwa uyu.

Zvinodiwa:
Mufushwa wemutsine, mafuta, munyu, dovi, chikari nemugoti.

Mabikiro:

  • Fashaidza mufushwa kudzimara waibva.
  • Chikuna mvura yakatsvukuruka inobuda.
  • Geza mufushwa nemvura yakachena woisa muchikari chakachena kuitira twumajecha twunogona kusarira pasi.
  • Dira komichi yemvura imwe chete wosiya ufashaire zvakare kusvika warukutika.
  • Kana mvura yaderera, isa munyu wakaringana, mafuta mashoma, matomatisi nehanyanisi.
  • Siya zvikwate kusvika zvaibva pamwe chete.
  • Unogona kukurungira dovi parutivi wodira kana uchida.

Wozodii?
Chibura unakirwe nevamwe vako. Mufushwa wemutsine unonaka semare zvekuti unotozviruma rurimi nekunakirwa. Unogona kudya nesadza jena, rezviyo, remapfunde kana remhunga. Vamwe vanoda kungorumira wakadaro. Zvido zvako!

Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *