Ndiri kufara: Mhari

Abel Ndooka

MUBATI wepagedhi weFC Platinum — Petros Mhari — anovazve kaputeni wechikwata ichi, anoti ari kufara zvikuru kuti nhabvu yakadzoka zvichitevera kutamba kwavakaita neCosta do Sol yekuMozambique mumitambo miviri yeCAF Champions League.

Mumitambo miviri yadarika apo vakasangana neCosta do Sol, FC Platinum yakahwina 4-1 paaggregate ndokuhwina tikiti rekufambira mberi mumutambo uyu.

Mutambo unotevera, chikwata chaNorman Mapeza chichasangana neSimba Sports Club yekuTanzania mumitambo miviri iyo chinofanira kuhwina kuti chigoramba chichifambira mberi mumutambo weCAF Champions League.

Mutambo wekutanga wezvikwata zviviri izvi uchatambwa musi wa22 Zvita, kozoti wechipiri uchizotambwa gore rinotevera musi wa6 Ndira kuTanzania.  FC Platinum iri kufanirwa kuhwina mitambo yose kuti ibve yapinda mumagroup stages eCAF Champions League emwaka wa2020-21.

Mhari anoti kukwanisa kutamba kwavakaita muChampions League mucherechedzo wekuti pava nechiedza chekuti nhabvu inogona kuchidzoka muZimbabwe.

“Takange tisisachazive zvekuita wena nekuti taive tisisina chivimbo chekuti zvimwe nhabvu ichadzoka nekuda kwedenda iri reCovid-19. Asi iye zvino ndakunzwa kufara kudzoka kuzotamba nhabvu, tave kuona chiedza chakanaka manje.

“Tangomirira kuti nhabvu yedu yePremier Soccer League ichitanga kutambwa muno nekuti isu ndiyo inotiraramisa muhupenyu hwedu,” anodaro Mhari.

Mutambo weFC Platinum wesvondo radarika wakatambwa munhandare isina vatsigiri sezviri kungoitwa pasi rese uko nhabvu nemimwe mitambo iri kutambwa pasina vatsigiri.

Mhari anoti kunyangwe hazvo vatsigiri vasiri kutenderwa kupida kuzoona mitambo yavo, vakavakoshera sezvo vachishanda basa guru rekusimudza morari pavanenge vachitamba.

“Hatidi kunyeperana, vatsigiri vakakosha chaizvo munhabvu. Zvinhu pazvinenge zvisiri kutifambira zvakanaka ndivo vanotisunda kuti titambe zvakanaka tigohwina mitambo yedu.

“Iye zvino hedu tinoziva hazvisati zvave kutenderwa kuti vatsigiri vauye kunhandare kuzotiona tichitamba asi isu tinoda kuti vazive kuti tiri tose, tinokoshesa hupenyu hwavo uye chinhu chikuru kuti vagare vakachengetedzeka utano hwavo nguva dzose,” anodaro Mhari.

Pari zvino chikwata chaNorman Mapeza chiri kuita gadziriro dzacho chiri kuZvishavane chakamirira kusangana neSimba Sports Club musi wa22 Ndira. 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×