2020 handidi kufunga nezvake

Abel Ndooka

SHASHA yetsiva nenhabvu yechidzimai — Patience Mastara — anoti gore ra2020 anoda kuchimbidza kukanganwa nezvaro nekuti akarasikirwa nemikana mizhinji zvichitevera kumiswa kwakaitwa nyaya dzemitambo pasi rose senzira yekurwisa chirwere cheCovid-19.

 Mastara mumwe wevanhukadzi vari mune zvemitambo vane zvipo zvakawanda izvo zvakambomuona achitambira chikwata chenyika chenhabvu chemaMighty Warriors apo nekune rimwe divi achimbosimudza mureza weZimbabwe  zvekare achitamba tsiva.

Mastara muna Kukadzi aifanira kuenda kuSouth Africa kunorwa naMelissa Miller mumutambo wehushamwari asi panguva iyi ndipo pakatanga kunyuka chirwere cheCovid-19 zvakaita kuti mitambo pasi rose imbomiswa.

Miller pari zvino ndiye ane bhande reAfrican Boxing Union (ABU) Bantamweight Title.

 “Ndakarasikirwa nemikana mikuru chaizvo, ndakabvira kare ndakamirira mukana wekurwa nevatambi vakaita saMiller avo vane mukurumbira asi mutambo wedu wakazomiswa nekuda kwekuuya kwakaita Covid-19. Tange tisingatenderwe kufamba kuenda kunze kwenyika saka mukana uyu wakatoenda. Mitambo yakadai inokosha kuvatambi vakaita seni asi mukana wacho wakandipfura uye ndinotarisira kuti kuchauya mumwe.

“Asi handirase tariro nekuti ndoziva kuti mumwe mukana uchauya uye ndichazorwira mabhande mamwe makuru etsiva,” anodaro Mastara.

Mushure mekunge agara nguva ndefu asina kumbotamba tsiva, Mastara mwedzi wadarika akanokwikwidza kuTanzania uko akanosangana naFatuma Zarika wekuKenya.

Vaviri ava vaifanira kurwa mumutambo wehushamwari sezvo Mastara ange ave nenguva ndefu asina kumbokwikwidza mutsiva asi wakazonzi wave wekurwira bhande reWorld Boxing Championship (WBC) izvo zvakakatyamadza Mastara zvikuru.

Anoti akaenda kumutambo uyu achifunga kuti ndehushamwari chete asi akazoshamisika ave kunzi achikwikwidza kurwira bhande zvaainge asina kumbogadzirira.

“Munoziva, handina kana kumbobvira ndambozvitarisira wena kuti ndichanzi ndikwikwidze kurwira bhande kuTanzania. Ndakaenda ndakagadzirira kuti ndichanorwa mutambo wehushamwari asi hurongwa hwese hukashandurwa ndikazonzwa zvave kunzi wakutorwira bhande reWBC.

“Sezvo ndakange ndatoenda kuTanzania, ndakatozongorwa mutambo wacho ndikazokundirwa pazvibodzwa hangu. Asi ndakavarakidza kuti kunyangwe hazvo ndange ndane nguva ndisina kurwa zvichirimo mandiri zvekurwa,” anodaro Mastara.

Mastara anozivikanwa zvekare achinetsa munyaya dzekutamba nhabvu yemadzimai. 

 Pari zvino shasha iyi iri kutambira chikwata cheCorrectional Queens icho chinokwikwidza muWomen’s Super League.

Related Posts

Hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa dzotsvagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMasvingo vari kutsvaga hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa uyo ane mutumbi wakachengetwa kumochari yeko. Mutumbi uyu ndewe murume akatsikwa nemotokari mumugwagwa weHarare-Masvingo pachinhambwe…

Nhengo dzemuviri wemunhu dzawanikwa mudumbu regarwe mushure memazuva 22

Rutendo Nyeve NHENGO dzemuviri wemurume akaurayiwa negarwe padhamu reMpopoma, kuMatobo nemusi wa1 Chivabvu dzakazoonekwa dziri mudumbu rengwena iyi mushure mekunge yavhiiwa kwapera mavhiki anodarika matatu. Izvi zvakaziviswa neveZimbabwe Parks and…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×