Ndiri kuona rufu: Prophet l Mahwindi akapihwa ‘anointed water’

Prophet Tendai Chipara (pakati) vachitambidza “Anointing Water” kumahwindi epaCopacabana, muHarare.
Prophet Tendai Chipara (pakati) vachitambidza “Anointing Water” kumahwindi epaCopacabana, muHarare.

MUPOROFITA wekereke yeNew Revelation Apostolic Church, Phophet Tendai Chipara, neMuvhuro svondo rino vakafamba mukati meguta reHarare vachinamatira vatyairi vemakombi nemahwindi pamwe nekuvapa mvura yakazodzwa (anointed water) vachiti vaiita izvi nechinangwa chekudzivirira tsaona dzemumigwagwa.

Prophet Chipara vanoti vakapihwa chiratidzo chinosuwisa zvikuru chevanhu vainzi vanogona kufa mutsaona dzemotokari munguva pfupi iri kutevera.

“Ndarakidzwa zvinhu zvinotyisa chaizvo, munguva inotevera ndiri kuona mabhokisi ane vashakabvu akarara mumigwagwa inoenda kuChitungwiza pamwe nekuDomboshava,” vakadaro.

Muhurukuro neKwayedza apo pavaiita minamato iyi, Prophet Chipara vakati vakazviona zvakakosha kuti vanamatire vatyairi vemakombi pamwe nekuvapa mvura yakazodzwa iyi kuti vafambe vachitungamirirwa nemweya mutsvene nedonzvo rekudzivirira tsaona.

Vanoti zvinovaremera zvikuru kuti vongosiya njodzi idzi dzichiitika vachirega kuyambira vanhu kuti vafambe vakangwarira.

“Ndinonzwa kushungurudzwa zvikuru nezvandakaona muchiratidzo ichi saka ndakati regai ndifambe ndichinamatira vatyairi vemakombi pamwe nevemabhazi avo vanotakura veruzhinji.

“Vatyairi vemakombi nemabhazi kazhinji vamwe vanomhanyisa motokari dzavo zvinotyisa izvo zvinokonzera njodzi. Saka ini ndakazvipira kufamba ndichivanamatira pamwe nekuvapa anointing water iyi kuti mweya mutsvene uvavhumbatire, uvachengetedze munzendo dzavo.

“Ibasa redu tese sevatendi uye senyika kuti tinamate zvakasimba njodzi idzi dzisaitike nekuti hatizive pamwe zvinogona kuitika kuhama dzedu,” vakadaro Prophet Chipara. Phophet Chipara vazhinji vanovaziva saDotcom pamazuva avo apo vaikwenya magitare asi vakazoasendeka nguva pfupi yadarika pavakatanga kuenda kukereke iyi iyo inotungamirirwa naProphet Abel Mutumwa.

Vanoti zita rekuti Dotcom havacharishandise sezvo raive remunyika uye iye zvino vave kunzi ‘Miracle boy’ kana kuti Paul.

Related Posts

Makore 2 mujeri abaya muvakidzani nebanga vachibva kudoro

Sukulwenkosi Dube-Matutu MURUME ane makore 22 okuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemakore maviri nemhosva yekubaya muvakidzani wake nebanga pasina chikonzero apo vaibva kunonwa doro kuFilabusi. Engus Tsumbeni akabatwa nemhosva yekuedza kuuraya…

Murume (23) abatwa nemhosva yekupfeka kamafurashi

Danisa Masuku MURUME wekuBulawayo ane makore 43 okuberekwa akabatwa nemhosva yekuwanikwa aine kamafurashi zvisiri pamutemo uye nekuipfeka zvakare. Qhubekani Mkhize (43) anogara kuNguboyenja, kuBulawayo akamiswa mudare reko pamberi pemutongi VaGolden…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×