Ndiripowo pamamonya ipapo: Dj Kevie

Malven Mugadzikwa —
SHASHA yemusambo weHip Hop neRnB, Calvin ‘DJ Kevie’ Makanyaire, anoti haazi kuzodzokera kumashure zvichitevera kufarirwa kuri kuitwa maRiddim aanobika nemazera akasiyana evanhu.

DJ Kevie – uyo anoshandira ari kuSouth Africa, achangobva mukubura Riddim idzva rinonzi Best 5 Riddim.

“Riddim idzva iri ndinovimba kuti richawana vaimbi vakawanda nekuti ndakawedzera mutakunanzva kubva pane andakagadzira kumashure uko.

“Ndiri kubatana nevaimbi vakawanda, kunyanya vari muZimbabwe kuti varishandise riwane mbiri,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti, “Basa rekugadzira maRiddim iri ndakaritanga muna 2010 kuSouth Africa apo ndakavhura studio yangu ndikatanga kushanda nevaimbi vemuZimbabwe. Vaimbi nevateereri vechidiki ndivo vanonyanya kunakirwa nemaRiddim andinobika.”

Muchinda uyu anoti Riddim rake idzva iri akarigadzira nenzira yekuti rifadze vateereri pasi rose.

“Ndinovimba kuti richandisandura basa rangu, kukwirawo kuenda pachidanho chepamusoro.

“Ndinodaro nekuti rine dingindira rerudo uye chishuviro changu kuti richashandiswa nevaimbi vazhinji panziyo dzerudo nekuti ndidzo dzinofarirwa nevaimbi nevateereri vechidiki. Vaimbi vandakamboshanda navo vanosanganisira Chartsman naMafcat,” anodaro.

Anoti anofara zvikuru nekusimukira kuti kuita vaimbi vemunyika ino.

“Vaimbi vemuZimbabwe vava kunzikwa kunyika dzakasiyana-siyana nekuda kwekuvandudzwa kuri kuitwa maridzirwo nemaimbiro avanoita,” anodaro Dj Kevie.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×