‘Ndiwe wakadya amai vangu’

Tafadzwa Mutsotso

MUMWE mukadzi akadunura mudare redzimhosva achiti ashaiswa rugare nemuvakidzani wake uyo anomupomera kuti muroyi, ipfambi pamwe nekutuma vana kuti vaitire tsvina pachivanze chake.Chipo Dzarava akamhan’arira Sarudzai Chatambarara kuHarare Civil Court achiti ari kumuti muroyi uye ndiye akauraya amai vake.

“Handina zororo nekuita kwaamai ava. Nguva dzose vanenge vachingondituka vachinditi ndinoroya. Vanondiudza mashoko anorwadza vachiti ndini ndakauraya amai vavo kuti ndigosara ndichivashungurudza pamadiro.

“Mambo wangu, nekukura kwandaita uku mwana uyu anondituka achinditi ndiri pfambi. Handizozivi kuti pane zuva raakambondibata ndichidanana nemurume wake here?

“Ndatova nevakuwasha nevazukuru nevaroora, ndowanikwa ndichiri kuita zvevarume? Chii chandichada pamurume ini kana makanditarisa?” akadaro Dzarava.

Akaenderera mberi achiti Chatambarara anotuma vana vake kuti vaitire tsvina pachivanze chake.

“Vanotuma vana vavo kuti vaitire tsvina pamberi pemukova weimba yangu yandinobikira. Vanoita basa rekupotsera matombo kuyadhi kwangu zvekuti kutaura kuno vakatoputsa mahwindo emba. Ndinokumbirawo dare rindidzivirire panyaya idzi nekuti ndichaurayiwa nevanhu ava,” akadaro Dzarava.

Chatambarara akaudza dare kuti Dzarava ndiye anotomushungurudza.

“Magwaro epeace order aaburitsa ayo zita riripo nderaamai vangu. Aigara akauyisa amai vangu kudare achivarukira nyaya sezvaangoita izvozvi. Ndakatovhurisawo magwaro angu kuti timire mudare rino ndizopihwawo peace order yangu nekuti amai ava vandinetsa paraini,” akadaro Chatambarara.

Mutongi Yeukai Dzuda akapa Dzarava gwaro rerunyararo.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *