‘Ndiwe wakandiraidza tunonaka’

MUKADZI wekugara makore 15 nemurume wake vasina kuita mwana akazomhanyira kudare achida mari yekuchengetwa mushure mekurambwa apo aiti akatambisirwa nguva yake.
Agness Kundiona (47) akaendesa aimbova murume wake, Happymore Musarurwa, kuHarare Civil Court achida mari yemendenenzi.

“Murume uyu ndinoda kuti andichengete, achindibhadharira rendi nekuti akanditambisira nguva yangu. Ndauya kudare kuti rindibatsire andipe $250 pamwedzi, andichengete sezvo ndisisina kana pekubata. Ndaivimba naye kubva patakaroorana tichiti tichaparadzaniswa nerufu.

“Haangapedzi makore 15 neni ozongondikandira kagupuro ke$10 pasina hama dzangu. Hatina kuita chero mwana mumwe chete tese zvedu asi hazvisizvo zvingaita kuti azongoerekana andisiya.

“Anofanira kutondibhadhara nguva yangu yaakanditambisira nekuti ndakatosiya vamwe varume vakanga vari nani ndikaisa rudo rwangu paari. Nhasi ava kuzondiudza kuti hazvichaiti, hakuna zvakadaro.

“Pari zvino handina basa randiri kuita, kutopona nekutengesa pakamusika pandiri kungowana $20 pamwedzi. Ko mari yerendi nechikafu ndoiwanepi? Ngaandipe iye nekuti ndiye akandidzidzisa tunonaka neupenyu hwepamusoro,” akadaro Kundiona.

Musarurwa akaudza dare kuti haana mari yekubhadhara Kundiona sezvo vakarambana.

“Gupuro rangu wakaribvuma kuratidza kuti wakatenderana nekusiyana neni. Munhu wese ane sarudzo dzekuita zvaanoda pakusarudza mukadzi, haamanikidzwe. Iyewo ane mari dzangu dzaakadya dzakawanda zvekuti

hatingachadzitauri muno mudare, rwaiva rudo.

“Dai zvaibvira dare raingorasa chikumbiro ichi nekuti handioni huremu hwacho . Takanga takaroorana zvepachivanhu saka hapana chikonzero chingaita kuti ndimubhadhare. Zverendi handingazvitereri nekuti hakuna munhu asina kumusha kana kuti akasungirirwa kugara mudhorobha, ngaaende kumusha kusina zverendi kana magetsi,” akadaro Musarurwa.

Mutongi Gamuchirai Siwardi akati nyaya yevaviri ava idzoke mudare zvakare.

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×