Ndiwo mapfekero angu

Munyori weKwayedza

MIFANANIDZO yaTyra Chikocho — uyo anozivikanwa saMadam Boss — iyo yaari kuzvishambadza padandemutande akapfeka mbatya dzekutuhwinha nadzo nemimwe aine chikabudura yokonzeresa zvakawanda kune veruzhinji kunyangwe zvazvo mudzimai akaroorwa uyu ari kuti vemhuri yake, kusanganisira vanyarikani savamwene, vakuwasha nanatezvara, vanogutsikana nazvo.

Madam Boss (34) mudzimai waNgoni “Mhofela Munetsiwa” — uyo anova maneja wake zvakare — uye anoti haasi kukanganiswa nemavhidhiyo ake ari kutenderera paWhatsApp nepaFacebook apo anobuda akapfeka zvipfeko zvekutuhwina uye zvikabudura zvidiki izvo zvinosiya dzimwe nyama dzemuviri sezvidya nemagadziko ake zvakati yacha pachena.

Madam Boss anoti mavhidhiyo nemifananidzo iyi yakatorwa pabhavhadhe remukoma wake, ndokuwedzera achiti murume wake “Mhofela” ndiye anotomutora mimwe yemifananidzo inokonzeresa iyi.

Anoti izvi ndizvo zvinoita kuti aite mukurumbira nekurarama.

“Murume wangu ndiye anototora mifananidzo iyi achiitumira kuruzhinji uye vehukama havatyiswi nazvo asi ini ndinoziva kuti vanhu vanobuda nepfungwa dzakawanda,” anodaro.

Madam Boss anoti vamwene vake vanomufarira zvikuru uye dzimwe nguva anototorwa mifananidzo yakadai vari vose.

Asi anotiwo kana ari kumba kwavo anotopfekawo “zvakadzikama” achiita zvinoenderana netsika dzechivanhu.

Patsika nemagariro echivanhu, munhukadzi kana munhurume — kunyanya muroora, mukuwasha, ambuya kana tezvara — anotarisirwa kupfeka mbatya dzinonzi dzakadzikama.

Asi nekupindana kwenguva uye kuziva kwave kuita veruzhinji kodzero dzevanhu, zvava kumwene wejira kurifuka kana kuriwarira.

 

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *