Zunde raMambo kuMasvingo

Bright Musakanda

AIVA makuwerere emadzimambo nemadzishe ekuMasvingo apo vaicherechedza zuva reZunde raMambo iro rakaitwa musi wa4 Gumiguru ku4 Brigade.

Kambani inotengesa nekuuchika mbeu, yeSeed Co, yakatsigira zvizere nembeu iyo yakapihwa madzimambo akaungana pazuva iri.IVA makuwerere emadzimambo nemadzishe ekuMasvingo apo vaicherechedza zuva reZunde raMambo iro rakaitwa musi wa4 Gumiguru ku4 Brigade.

Mutambo uyu wainge wakatsigirwa nevaisanganisira Major General Tazira avo vaiva muenzi mukuru, Gurukota redunhu reMasvingo, Cde Ezra Chadzamira, Brigadier General Tshuma nevamwe vakuru vemapazi eHurumende vemudunhu iri.

Major Tazira vanokurudzira madzishe kuti varambe vachichengetedza tsika nemagariro evatema vemuZimbabwe. Vanoenderera mberi vachiti kubvira kare, Zunde raMambo raizivikanwa sedura rechikafu chedunhu, nokudaro madzishe anofanirwa kuenderera mberi netsika iyi nokuti inobatsira nherera, chirikadzi nevanenge voziya nenzara mudunhu.

VaChadzamira vanoti musha wamambo musha mukuru uye wevaenzi zuva nezuva, nekudaro ishe vanofanira kugara vaine chikafu chakawanda izvo zvinokwanisika chete kana mambo vari murimi.

Vanotendawo kambani yeSeed Co nekupa madzishe ose emuMasvingo mbeu dzekunorima kumatunhu avo.

Kambani yeSeed Co yakapa mambo mumwe nemumwe 10kg yembeu uye varimisi veSeed Co vachange vachiteverera kumatunhu avo vachivabatsira pakurima mbeu idzi.

VaBright Musakanda, murimisi weSeed Co kuMasvingo, vanoti kambani yavo inotsigira zvizere zvirongwa zveHurumende zvekupedza nzara munyika kuburikidza nekuuchika mbeu dzinopa goho repamusoro-soro, dzinoshingirira muzuva uye dzichitengeka nemutengo wakaderera.

Bright Musakanda murimisi weSeed Co kuMasvingo uye anobatika panhare dzinoti 0777 306 020

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *