Ndiyani anotanga kuridza pakati paJah naWinky D?

Trust Khosa

PUROMOTA wemimhanzi ane mukurumbira, Patson “Chipaz” Chimbodza anoti kuwirirana kwake kwakanaka naJah Prayzah pamwechete naWinky D kwakamubatsira mukuronga shoo iyo iri kunzi ndiyo yepagore mushure mezuva rimwechete  yaziviswa nezvayo.

Vaimbi vaviri vane mukurumbira ava vachange vachiridza vose paHockey Stadium kuNational Sports Stadium, muHarare nemusi wa31 Zvita manheru senzira yekupemberera gore idzva.

Jah Prayzah naWinky D vanoonekwa seivo shasha dzemimhanzi muZimbabwe.

Vane vatsigiri vakawanda avo vange vashishandisa dandemutande kuita hurukuro iri pamusoro pekuti pakati pevaviri ava shasha ndiyani.

“Kwandiri, ndinonzwisisana zvakanyanya nevaimbi vose,” anodaro Chipaz.

Nyaya yemimhanzi ibhizimisi nekudaro zvakakosha kuti pave nehochekoche kune vari muindasitiri iyi.

“Mushure mekunge taita chirongwa chekuparura dambarefu raJah Prayzah, takaita dopiro reTete-A-Tete naWinky D uye tikaona kuti budiriro yakanyanya inogona kuvepo chete kana pakave nekushanda pamwechete.

“Nekudaro, takaronga kuti tipinde muna2026 zvine musiyano nekuita shoo yevaimbi vaviri ava.

“Nhoroondo ichanyorwa pachiitiko ichi nekudaro tinokurudzira vatsigiri kuti vauye nehuwandu hwavo vatsigire vaimbi vavo.”

Chipaz, uyo ari kupemberera kusvitsa makore 21 sapuromota akanyoreswa zviri pamutemo, anoti yakwana nguva yekukoshesa kubatana kwevaimbi vachiridza pamwechete mumashoo.

“Pane simba mukubatana uye tange tichishuvira zvakadai izvi kwemakore akawanda muZimbabwe,” anodaro.

Chiri kuita kuti veruzhinji vanzwe chidokwa-dokwa maringe neshoo ichaitwa iyi ndechekuti iri kuuya panguva iyo Jah Prayzah ari kuzadza nhandare dzaari kuitira mashoo nechaunga chevanhu.

Akanyora nhoroondo munguva pfupi yadarika kuSouth Africa apo akazadza Ellis Park Arena nevanhu.

Nemusi weMugovera wadarika, vanhu vakawanda vaive paHarare International Conference Centre apo airidza zvakare.

Nerimwe divi, Winky D ari kuita zvinorova zvichitevera kuzara kuri kuita vanhu kumashoo ake ayo ari kuita kumativi mana enyika.

Akahwinha mubairo wePeople’s Choice Award mumakwikwi eNational Arts Merit Awards.

Winky D mumwe wevaimbi vanoyemurwa zvakanyanya munyika muno.

Vaimbi vaviri ava vatakangira vari pasi-pasi kusvikira vazosimukira.

Kuburikidza nekushanda nesimba, nhasi uno vave nemukurumbira.

Gakava rangosara chete nderekuti pashoo iyi ndiyani achatanga kuridza.

Jah Prayzah anotsanangura chirongwa chake che“Ndini Mukudzeyi World Tour”, icho chakaperera paHICC, sechakasanangurika.

“Chirongwa chekutendera pasi rose change chakasanangurika, kubvira pakutanga kusvika pakupedzisira, wow zvakapera zvakanakisisa, anogona kuve ari Mwari chete,” anodaro achinyora padandemutande.

Anoti akange asina kutarisira kuti kambo kake kaita mukurumbira ‘‘Ruzhowa” kanosvika pakave nhasi uno.

“Ndisati ndabura dambarefu ‘Ndini Mukudzeyi’ handina kumbobvira ndafunga kuti ‘Ruzhowa’ ichaita  mbiri sezvaye, hongu ndaiziva kuti rwumbo rwekurumbidza rwakadzama asi kwete kuti rwunosvika parwave apa,” anodaro.

“Chidzidzo changu chikuru kubva pane izvi ndechekuti zama kuita chimwe chinhu zvisinei nekuti unogona kufunga kuti chidiki sei. Mwari vanogona kuita zvishamiso nekuti Mwari pavanopindira hazvinzwisisike.

“Apo tave kuenda kuti gore richinopera, ndinoda kupa kutenda kwakanyanyisa kuvatsigiri vangu, kunyangwe nevasiri vatsigiri vangu asi vanosimudzira mhanzi yangu nedzimwe nzira dzakasiyana vasingazive. Gore rino, range riri gore rinodakadza.

“Pasina imimi hapana Jah Prayzah.

“Kunyangwe mapuromota vanoda kutendwa zvakanyanyisa nekugadzira zvirongwa zvakarongeka zvinoita kuti vatsigiri varambe vachida kuuya kumashoo.”

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×