‘Ndoda kukuyamwa’

Gibson Mhaka ari kuBULAWAYO
MUDZIMAI wekuEntumbane, kuBulawayo, anoti ari kugara akabatira hana yake mumaoko zvichitevera mashoko anogarotaurwa nemurume wake ekuti anoda kumukweva ropa rake achibatsirana neshamwari dzake mbiri kusvikira afa.

Priscilla Ncube akataura mashoko aya mudare reBulawayo Magistrate Court mushure mekunge amhan’arirwa nemurume wake Stephen Ncube — uyo waagara naye kwemakore 45 — achinzi ari kumushungurudza.

Priscilla anoti murume wake anogara achimuudza kuti achamusveta ropa rake achibatsirana neshamwari dzake kudzimara afa, ndokunge kana akaramba kutevera chitendero chavo.

Mudzimai uyu anoti murume wake akambomutora akaenda naye kumusha kwake achida kuti anopinda chitendero chavo uko akanomuti arege kudya kwemazuva vachimunamatira asi iye ndokuzotiza achinohwanda kumba kwemuvakidzani.

Stephen anoudza mutongi Rachael Mukanga kuti mudzimai wake anogara achimushungurudza achimuti anoita zvemasatani.

“Mudzimai wangu Priscilla Ncube anondishungurudza zvikuru. Tagara tose kubva pataroorana kwemakore 45 adarika asi anogara achinditi ndiri muroyi, ndinoita zvechisatani.

“Pose pandinoendza kumutsiura, haanditerere achiti ndiri muroyi. Akambondituka kuti ndiri imbwa mushure mekunge mwana wedu asungwa ari kuSouth Africa achiti ndini ndainge ndakonzera kuti abatwe nekuti ndinoroya,” anodaro Stephen.

Achipawo divi rake, Priscilla anotsinhira kuti anotaura mashoko ekuti murume wake muroyi.

“Handidi zvose zvaari kutaura kana kundiitira. Anoda kuti ndipinde chitendero chavo.

“Rimwe zuva varume vatatu — kusanganisira iyeyu murume wangu — vakaenda neni kune imwe imba mushure mekunge vatora mbatya dzangu dzechivanhu vakaenda nadzo kusango uko vakanodzipisa vachiti ndinofanira kusiyana nezvechivanhu ndotevera zvechitendero chavo.

“Zvekare, vakamboenda neni kumusha kwake.

‘‘Patakange tiriko, vakandirambidza kudya chikafu uye vaindinamatira husiku hwoga-hwoga kusvikira ndakazotiza ndikanohwanda kumba kwemuvakidzani ikoko,” anodaro Priscilla.

Mutongi Mukanga — uyo akaratidza kushamiswa nenyaya iyi — akamubvunza kana aine humboo hwezvaanotaura zvekuti murume wake anoita zvechisatani, Priscilla ndokuti, “Ndinodaro nekuti vanogara vachindiudza kuti kana ndikaramba kupinda chechi yavo, vachanwa ropa rangu kusvikira ndafa.”

Mutongi Makanga anoti Priscilla arege kushungurudza murume wake nenzira dzipi zvadzo, kusanganisira kumuti muroyi.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *