Nemadora: Unozodei?

Zviri Mugapu naMuchaneta Chimuka

SVONDO rino VaJoseph Makonese vekuSunningdle 3, muHarare, vanotsanangura pamusoro pemabikirwo emadora. Madora kudya kunonaka uye kuchivaka muviri. Kana uine madora parwendo, usakanganwe kutakura kachigubhu kemvura yekunwira-nwira kuti zviendeke.

Zvinodiwa:

Madora, munyu, mafuta kana dovi, mhiripiri

Mabikiro:

Fashaidza makomichi mana emvura.

Nyika madora mumvura inopisa kwemaminitsi angaite gumi.

Geza madora, uchaona achibuda mvura yakatsvukuruka.

Ramba uchiageza uchirasa mvura kusvika achena.

Chitora madora woisa mumvura shoma ine munyu nemhiripiri. Kwatisa dakara mvura yapera.

Wozodii?

Isa mafuta mupani woisa pamoto. Kanda madora uchiakanga kusvikira asara asisina hunyoro hwakanyanya.

Kana uchida ane dovi, kurungira dovi mumvura, wokanda madora. Siya achifashaira kusvika aita muto wakakora.

Kana zvadai, chinakirwa hako!

Madora unogona kuadya akadaro kana nesadza. Unozodei kunze kwekunakira?

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *