600 vodzidziswa nemapurisa

MAPURISA eZimbabwe Republic Police ari kutendwa nebasa raari kuita rekubatsira vana nherera vanosvika 600 nemari dzechikoro pasi pehomwe yePolice Commissioner-General’s Charity Fund.Rumbidzo iyi yakabva kugurukota rezvinoitika munyika, Dr Ignatius Chombo, apo vaitaura nguva pfupi yadarika kuBorrowdale Race Course pamujaho wemabhiza weZimbabwe Republic Police Commissioner-General Race uyo wakananga kuunganidza mari yekubatsira nherera neshirikadzi.

“Izvi zvoga zvinoratidza hudzamu hwenyu (Commissioner-General Augustine Chihuri), hwekuzvipira mukubatsira vanotambura. Nekuda kwaizvozvo, ndinoona zvakakodzera kuti nditende vose vari kubatsirana naCommissioner-General wemapurisa muzvirongwa zvekuyamura nherera neshirikadzi,” vanodaro.

Dr Chombo vanoti rubatsiro urwu rwuri kuuya nenzira dzakasiyana, dzinosanganisira chikafu, pekugara nemari yechikoro nemayunifomu.

“Matambudziko anosangana nenherera neshirikadzi akakura zvikuru. Tine dzimwe nyaya dzatinonzwa dzinosuwisa dzekushungurudzwa kwenherera pamwe neshirikadzi.

“Izvi hazvifaniri kudaro, tichitarisa kuti shirikadzi nenherera vanosangana nematambudziko anovashaisa zano repekutangira,” vanodaro Dr Chombo.

“Homwe yeCommissioner-General Welfare Fund iri kubatsira nherera 600 avo vamwe vari kupuraimari, sekondari nekumayunivhesiti. Vamwe vakabatsirwa nehomwe iyi vave madhokotera, maengineer nekuita mamwe mabasa akasiyana.”

Dr Chombo vanoti nherera neshirikadzi dziri kuramba dzichiwanda izvo zviri kuita kuti homwe iyi inge ichiperevera pakubatsira vanotambura.

“Kana tichibatsira nherera neshirikadzi hatizi kushandira pasina uye Mwari vakatendeka nekuti vanotiyeuka pamwe nekutikomborera mukubatsira kwatinenge tichiita. Ticharamba tichibatsira sekukwanisa kwatinoita,” vanodaro Dr Chombo.

Chitiko ichi chakapindwa nezviuru zvevanhu zvinosanganisira vakuru veHurumende. — Suburban

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *