Mutengo wesoya beans hausi kufadza

VARIMI vesoya bhinzi vochema-chema nekudzikira kwakaita mutengo wechirimwa ichi uye vakakurudzira hurumende kuti mutengo uyu ukwidzwe mwaka uno.

Mumwe murimi mukuru wesoya bhinzi, Cde Edward Raradza avo vanorima vari kuCentenary vakati kwemakore anodarika mashanu mutengo wechirimwa ichi hauna kumbobvira wakakwidzwa zvinova zviri kuvadzosera kumashure.

Vakati kune varimi vashoma vanorima soya bhinzi nekudaro kana mutengo uyu ukasakwidzwa zvinogona kukonzera kuti vashomeke kudarika zvavari izvozvi. “Mutengo wesoya bhinzi haufadze zvachose, mwaka wakapera takatengerwa neUS$550 patani inova mari shoma zvikuru tichitarisa zvatinoshandisa pakurima chirimwa ichi, mari yacho zvakare unozoiwana kwapera nguva refu zvinotadzisa varimi kuti tikurumidze kuronga zvinhu zvedu,” vakadaro.

Mumwe murimi zvakare ane mukurumbira kuNyabira, Cde Endy Mhlanga, vakatsinhira nyaya yekuti mutengo wechirimwa ichi unofanirwa kukwidzwa.

“Tiri varimi vashoma zvikuru vanorima soya bhinzi asi kuburikidza nemutengo wacho une mari shoma, hazvifambirane nezvatinoshandisa muminda,

zvinoguma zvaodza mwoyo yevarimi torega kurima. Izvi zvinoreva kushomeka kwekudya kwezvipfuyo munyika nezvimwe zvinogadzirwa kubva muchirimwa ichi,” vakadaro.

Vakapa muenzaniso wekurega kwakaitwa nevarimi vazhinji kurima donje zvavakati ndizvo zvichaguma zvaitwa kuzvirimwa zvisingabhadhare.

Vakakurudzirawo hurumende kuti ikwidze mutengo uyu nenguva yotsigirawo kurimwa kwesoya bhinzi.

Zvakadaro, sangano rinomirira varimi vesoya bhinzi munyika, reSoya Beans Association, rakati riri kushingaira kuti mutengo wechirimwa ichi ukwidzwe. Sachigaro wesangano iri, VaUsheunesu Mupeperereki, vakati mutengo wesoya bhinzi parizvino haufadze.

“Inyaya yatinogara tichitaura kuti chirimwa ichi chikwidzwe mutengo uyewo nekutsigira kurimwa kwesoya bhinzi nezvinodiwa zvakaita sefetereza, mbeu nemishonga yacho,” vakadaro.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×