‘NeTsuro unokohwa pakuru’

KAMBANI ine mukurumbira munyika muno wekuuchika mbeu dzezvirimwa zvakasiyana yeSeed Co yokurudzira varimi kuti varime mhando yavo itsva yechibage inodaidzwa kuti 301 Tsuro iyo inonzi inoita zvakanaka kumatunhu akasiyana.

Mbeu itsva iyi yakaparurwa mwaka wadarika.

Mukuru anoona nezvekudyidzana neveruzhinji kukambani iyi, Muzvare Marjorie Mutemererwa, vanoti mbeu iyi inoshingirira muzuva ichipawo goho guru.

“Mbeu iyi yatinoti 301 tsuro ine mikana yakakura zvikuru yekuti murimi anokohwa pakuru kunyange mvura ikaita shoma. Chibage chembeu iyi chinosvika nemazuva ari pasi pe120 zvinoreva kuti mwedzi mitatu chinenge chatoibva,” vakadaro.

“Mbeu iyi haibatwe nezvirwere zvakawanda uyewo inobereka zvikuru inopa matani manomwe pamunda wakatandavara hekita. Inonyanya kuita zvakanaka kumatunhu aNatural regions 4 ne5 kunova kusinganaye mvura zvakanaka,” vakadaro.

Kunzvimbo dziya dzinonaya mvura yakawanda, varimi vanokurudzirwa kuti vanonoke kudyara.

“Mbeu iyi yakanga isati yasvika kumatunhu ose enyika asi tinovimbisa varimi vedu kuti panopera mwedzi waGunyana inenge yatekeshera nenyika yose muzvitoro zvatinodyidzana nazvo,” vakadaro Muzvare Mutemererwa.

Zvakadaro, VaCliff Machakaire avo vanorima vari kupurazi reRoyal Barks, kuRaffingora vanoti mbeu itsva iyi vakatomboirima kekutanga mwaka wadarika vakakohwa pakuru.

Kunze kwechibage, Seed Co inouchikawo mbeu dzakaita sedzemapfunde, mhunga, mupunga nenzungu.

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×