N’anga yava kugadzira mapiritsi

Kudakwashe Chinokuya naKingstone Mapupu
IMWE n’anga yemuHarare iri kuvandudza mashandiro ayo zvichitevera kugadzira kwairi kuita mapiritsi akasiyana ichishandisa mishonga yechivanhu. VaFriday Chisanyu vanoti vanogadzira mapiritsi aya nechinangwa chekurerutsira varwere vanoda kurapwa nemishonga yechivanhu.

“Ini sachiremba wechivanhu ndinotenga zvikasha kana kuti macapsules chete umo ndinoisa mishonga inenge yakakuiwa. Zvakangofanana nekuti munhu akanzi adye zvipunu zviviri zvemishonga, tinoenzanisawo nemapiritsi aya,” vakadaro.

VaChisanyu, avo vanova mukuru wesangano rinomirira n’anga nemaporofita, reZimbabwe National Practitioners Association (ZINPA), vanoti zvakakosha kuti vanachiremba vechivanhu vavandudze mabasa avo.

“Isu sen’anga tiri kugadzira mapiritsi aya tichashanda nenyanzvi dzedu. Tinonyorera varwere vedu mapepa ekurwara nekuitawo zvinoitwa nemachiremba akadzidzira basa. Tinotonyora mumapepa edu kuti murwere akatanga kurwara rinhi uyewo nekuti anofanirwa kunwa mapiritsi mangani nenguvai kana kumupa zororo rehurwere,” vakadaro.

VaChisanyu vanoti kune vamwe vari kushandisa mapiritsi echivanhu aya zvechihwande-hwande. Asi vanoti mapiritsi aya akanakira vaya vanonyara kuonekwa kana kuzivikanwa kuti vanoshandisa mishonga yechivanhu sezvo achingofanana nemapiritsi anotengwa muzvitoro.

“Vanhu vanouya pano vanosanganisira vemumakereke avo vanotenga mapiritsi echivanhu vachibatsirika. Kazhinji vanhu vakaita sevemumakereke vanenge vachinyara kuonekwa nevamwe vavo kuti vanoshandisa mishonga yechivanhu, nekudaro nemapiritsi atinogadzira hapana anoziva kuti ndeechivanhu here kana kuti kwete. “Uyezve vechidiki vemazuva ano takaona kuti zvinovaitira nyore mukurapwa nemapiritsi atinogadzira nekuti vanonyara kudya miti yedu yakadaro.”

Vanoti bazi rinoona nezveutano pasi rose, reWorld Health Organisation (WHO), rakatara matanho anofanirwa kutevedzwa pakugadzira nekushandiswa kwemishonga yechivanhu. “Mapiritsi edu tinoagadzira tichitevedzera mitemo yakakumikidzwa neveWHO,” vakadaro.

Zvakadai, vamwe varwere vakawanikwa vari pachipatara cheChisanyu Health Centre, kuMbare, avo vakaramba kutaura mazita avo, vakarumbidza mapiritsi emishonga yechivanhu aya.

Related Posts

Gororo rine pfuti rabatwa rahwanda muchibage

Kingstone Mapupu GORORO rainge rarura nekubira vatyairi vedzimotokari rakapakata pfuti pamugwagwa rakazobatwa rakavhumbama pakati pemunda wechibage mushure mekunge rahwanda apo raive rabira mumwe mutyairi US$50 kuBulawayo. Mbavha iyi yakakwidzwa motokari…

Makore 10 mujeri sekuru vabata muzukuru chibharo

Moffat Mungazi MURUME ane makore 68 okuberekwa wekuChikanga, kwaMutare — Harry Peter Mangani — akatongerwa kugara mujeri kwemakore gumi mushure mekuwanikwa aine mhosva yekubata chibharo muzukuru wake ane makore 28…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×