New Curriculum makeke: Kateera

Malven Mugadzikwa —
CHIDZIDZO chemutambo mutsva weWoodball – chinova chimwe chezvidzidzo zvitsva zviri muNew Curriculum – chakaparurwa nguva pfupi yadarika mudunhu reHarare uye pari zvino vamwe vana vari mushishi kugadzirira kuenda kunokwikwidza mumutambo uyu kuUganda.

Vachitaura pakuparurwa kwemutambo uyu, mukuru wedzidzo mudunhu reHarare, VaChristopher Kateera, vanoti kuparurwa kwawo mucherechedzo wekukoshesa kuri kuita dunhu ravo chirongwa cheNew Curriculum.

“Chinangwa chekuita mutambo uyu kuda kufambirana nehurongwa hweNew Curriculum. New Curriculum inokurudzira kuti mwana wega-wega anofanira kuvawo nemitambo miviri pamitambo yese inoitwa muzvikoro yaanogona. Mutambo weWoodball ndemumwe wemitambo yatiri kuda kuti itambwe muzvikoro nyika yese asi dunhu reHarare ndiro rakatanga nawo.

“Kubva kunhabvu kusvika kumitambo midiki, mwana anofanirawo kuwana mutambo waanogona kutamba. Tinodaro nekuti ndiyo imwe nzira yekutsvaga zvipo zviri muvana uye yekuzvivandudza. Zimbabwe ndiyo zvakare nyika yekutanga kuita mutambo uyu panyika dziri mudunhu reSouthern Africa,” vanodaro VaKateera.

VaKateera vanoenderera mberi vachiti, “Mutambo weWoodball wakavambwa mugore ra1990 senzira yekuzvivaraidza asi pari zvino wava kutambwa kunyika dzakawanda pasi rose. MuAfrica, Uganda ndiyo nyika yekutanga kuita mutambo uyu muna 2007.”

VaKateera vanokurudzira mamwe matunhu munyika kuti aumbewo makomiti nezvikwata muzvikoro kuti vazokwikwidza mumutambo uyu.

Sachigaro wekomiti yeWoodball mudunhu reHarare, VaAnthony Mhene, vanoti vari kuronga zvikwata zvichanokwikwidza kuUganda muna Chikumi gore rino.

“Mutambo uyu takauparura muHarare asi tava kutotanga kuita hurongwa hwekuti utekeshere muzvikoro zvose zvemunyika uye tava kugadzira matimu evakuru neevana vechikoro ekuti aende kuUganda, vapinde mumakwikwi ekutanga. Izvi tiri kuzviitira kuti vana vedu vanoenda ikoko vadzidze nezvemutambo uyu kwawakatangira kwacho muAfrica uye kuti varairidzi vavo vave neruzivo rwakadzama nezvawo,” vanodaro VaMhene .

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×