$600 yekuchengeta mwana mumwe

Gamuchirai Muzanenhamu —
SAMUSHA vekuendeswa kudare neaimbova mudzimai wavo achida kuti vabvise $600 yekuchengeta mwana wavo vakazozviroverera apo vakati dare rivatemere mari yavangabvisa sezvo vasina ruzivo rwemari yavanokwanisa kuwana pamwedzi.

Reyna Murape akamiswa mudare reHarare Civil Court naMunondida Bernice achida mari yekuchengeta mwana wavo.

“Changamire wangu, ndiri kuda mari inondibatsirawo pakuchengeta mwana kubva kuna baba vake. Ndikawana $600 inokwana zvose kubhadhara chikoro, zvekudya, pekugara nezvekupfeka,” anodaro Bernice.

Anoenderera mberi achiti: “Mari iyi baba vemwana vanoikwanisa nekuti vanozvishandira vachiwana mari yakadarika yandiri kuda pamwedzi uye havana mukadzi kana mwana.”

Murape akaramba zvekuti anozvishandira achiwana mari yakawanda asi ndokubvumirana nemashoko ekuti haana mukadzi kana mumwe mwana.

“Ini handishande, ndiri kutochengetwawo nevabereki nekuti ndiri mwana wechikoro. Amai vemwana vataura chokwadi kuti mukadzi kana mumwe mwana handina,” akadaro Murape.

Achibvunzwa namutongi Manassa Musiiwa kuti angade kubatsira nemarii pakuchengeta mwana, Murape akati dare rimutaurire mari yacho nekuti iye haazive kuti angabvise marii.

“Ndiri kutodawo kuti dare rindibatsire kuti ndingabatsirawo sei nekuti mari yacho handina,” akadaro Murape.

Mutongi Musiiwa akati Murape abhadhare $120 yemendenenzi pamwedzi.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×