Ngatirwisei nzara gore rino: Dr Made

Muchaneta Chimuka
GURUKOTA rebazi rezvekurima nekusimudzirwa kwemadiridziro, Dr Joseph Made, vanoti zvakakosha kuti pave nekurwiswa kwenzara, zvikuru kumaruwa uko vanhu vazhinji vanogara vachiomerwa nekushaiwa chikafu nekuda kwekunonoka kuwana zvekushandisa mukurima zvakadai sefetereza, mbeu uye kusanduka kwemamiriro ekunze.

Mumashoko avo avakaverengerwa nemunyori mukuru kubazi iri, VaRingson Chitsiko, pazuva guru rekupemberera kuwaniswa kwekudya kune veruzhinji reWorld Food Day svondo rapera kuGwebi Agricultural College, kudunhu reMashonaland West, Dr Made vakati varimi vanofanira kuwaniswa zvekushandisa nenguva.

Mhemberero idzi dzakaitwa pasi pedingindira rinoti “Kutsigirwa kwevarimi, Nekurwisa Nzara”.
“Tichifambirana nedingindira redu regore rino tinoda kuti varimi vatsigirwe zvakanyanya mukuwanisa veruzhinji kudya kunovaka muviri uye kwakakwana senzira yekurwisa nzara nehurombo pasi rose.

Zvakare, tinofanira kuchengetedza zviwanikwa zvedu nenharaunda kuitira kuti vanhu vari kumaruwa vange vachisimukira muraramo yavo,” vakadaro. Dr Made vakati chirongwa chekuvandudza upfumi hwenyika cheZimbabwe Agenda for Sustainable Socio – Economic Transformation (Zim-Asset) chine donzvo rekuwanisa veruzhinji kudya kune utano.

Vachitaura pachiitiko chimwe chete ichi, VaDavid Phiri avo vanove Sub – Regional Coordinator wesangano reFood and Agricultural Organisation (FAO) mudunhu reSouthern Africa vakati kubvira mugore ra2013 vanhu vanodarika 150 miriyoni pasi rose vakabatsirikana nechirongwa cheSocial Protection apo vaiwaniswa mari nekudya.

“Kuburikudza nekutsigira vanhu vekumaruwa nemari nekudya, tinenge tichisimudzira upenyu neutano hwavo,” vakadaro. Mhemberero dzeWorld Food Day dzinogaroitwa nomusi wa16 Gumiguru gore negore nedonzvo rekupa ruzivo kune veruzhinji pamusoro pekukosha kwekudya kunovaka muviri uye nyaya dzekurwisa nzara.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×