Akashurwa nemukadzi mudare

Nyasha Chabvonga
MURUME wekuti anokwanisa kubvisa $20 yemendenenzi pamwedzi yekuchengeta mwana akashurwa mudare nemukadzi wake apo akanzi aida kubhadhara mari shoma-shoma kudaro iye achigara muimba inodhura yaanobhadhara $300 pamwedzi. Winnet Wafawanaka akamhan’arira Munyaradzi Matode kuHarare Civil Court achida $250 yemendenenzi. “Handitenderane nemari yauri kutaura iyi nokuti ndinoziva kuti unobata $3 000 kupera kwemwedzi woga-woga.

‘‘Ungandiudza zveka$20 kubva paflea market iwe?” akadaro. Akati Matode mari aiva nayo nekuti anogara imba inodhura.
“Unondiudza kuti $250 yandati ndinoda yakawanda kupfuura $300 yaunobhadhara kuimba yauri kugara here mazuva ano? Pandakange ndichiri newe taisagara kuflat (imba yemudurikidzwa) here nhasi ndopowoda kupa mwana wako $20 chaiyo,” Matode akati akange asingakwanise kuwana mari yaidiwa naWafawanaka nokuti anochengetwa navabereki vake.

“Furati raunoreva handiti nderavabereki vangu, uye imba yauri kutaura nezvayo kuti ndiri kugara wakandiona ndichigarako here? Ini ndinoiwanepi mari yekutambisa ndichigara muimba inodhura kudaro,” akadaro.

“Iwe unondiudza kuti mari yose iyo yawareva ndinoiwanepi ini ndichingo kiya- kiya kuti panoperawo mwedzi ndinge ndine kamari? Zvemabhizimusi zvauri kutaura izvi ini handizvivi pamwe nekunditi ndinobata mazimari awareva. Chero ndimiwo vedare makanditarisawo ndinoiwanepi mari yose iyo inotaurwa nomukadzi uyu?”

Mutongi Audrey Tarugarira akati Matode abvise $40 pamwedzi.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×