Ngezi Platinum shasha yeNorthern Region

MITAMBO yenhabvu yeNorthern Region Division One yasvika kwamvura yacheka makumbo svondo rino apo zvikwata zvese zvinokwikwidza muligi iri zvichatamba mitambo yazvo yekupedzisira.

Chikwata cheNgezi Platinum, icho chakapedza mwaka wose chichitungamira, ndicho chichasimudza mukombe pachiri kusangana neZatex FC iyo yakaburitswa muligi iri.

Zatex gore rinotevera ichange ichitambira nhabvu yayo kuDivision Two.

Ngezi Platinum yakatamba nhabvu inodakadza zvikuru izvo zvakaiona ichihwina mitambo 21, ikaita mangange 10 ndokukudndwa miviri chete.

Zvakadaro, mwaka unotevera inofanirwa kukwidziridza masokisi ayo nekuti muPremier Soccer League mairi kuenda ichange yave kumisidzana nezvikwata zvakaita seDynamos, Chicken Inn, FC Platinum neHarare City.

Zvikwata zvinoti ZRP Football Club, Black Rhinos neGunners FC zvakamboedza kutevera Ngezi Platinum zvikakundikana uye zvese zviri kurwira kuti zvipedze zviri pechipiri palog.

ZRP Football Club ine zvibodzwa 56 kubva pamitambo 33 uye yakahwina mitambo 14 ikaita mangange 14 zvakare, ikakundwa mishanu.

Black Rhinos ine zvibodzwa 56, yakahwina mitambo 14 ikaita mangange 14 ikazokundwa mishanu kozoti Gunners FC ine zvibodzwa 55, yakahwina mitambo 13, ikaita mangange 14 ikakundwawo mitambo mitanhatu.

Kune rimwe divi, zvikwata zvinoti DC Academy, Seven Flames neZatex zvose zvaburitswa muNorthern Region mushure mekutadza kuwana zvibodzwa zvakakwana kuti zvirambe zviri muligi iri. Mitambo iriko svondo rino ichaona zvikwata zvitatu zviri pamusoro zvichisangana nezvitatu zviri pasi.

Zatex ichasangana neNgezi Platinum, Seven Flames ichatatsurana neBlack Rhinos kozoti DC Academy ichabandana neNgezi Platinum.

Zvakadaro, Northern Region yakaburitsa mazita evatambi vari kurwira mubairo waSoccer Star of the Year avo vakasarudza svondo radarika.

Mitambo

Dstv Rangers v Karoi United

ZRP Morris v Cargo Carriers

Starbill v Blue Swallows

Zatex v Ngezi Platinum

Blue Jets v Herentals

Darwin v Mushowani

Lake Harvest v Gunners

Seven Flames v Black Rhinos

DC Academy v ZRPFC

 

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×