‘Ngirozi’ yakapotsa. . . muporofita akapotsa azvamburwa arova dondo

MIFANANIDZO iyi inoratidza mhomho yevanhu vainge vaungana kuMbare, paicherwa pasi pezambuko, Madzibaba Cardington, Maidzimai Ellen vagere pasi uye pavaitiza Kwayedza, nemusi weMugovera wadarika. — Mifananidzo: Patrick Shamba.
MIFANANIDZO iyi inoratidza mhomho yevanhu vainge vaungana kuMbare, paicherwa pasi pezambuko, Madzibaba Cardington, Maidzimai Ellen vagere pasi uye pavaitiza Kwayedza, nemusi weMugovera wadarika. — Mifananidzo: Patrick Shamba.

Patrick Shamba
MHOMHO yevagari vemuMbare, muHarare, nevamwewo vaidarika, vakaita chipatapata musi weMugovera wadarika vachienda pazambuko remurwizi Mukuvisi uko vaida kunoona paicherwa nemapurisa nevamwewo vanhu mushure mekunge mumwe muporofita ati ngirozi yaimuratidza kuti ndipo pakafushirwa mutumbi wemumwe mwana akatsakatika mugore ra2013 apo akapondwa nehama yake inoromba.

Pwere nevechikuru vakamhanyidzana, vamwe vachiita sevachatsikirirana pakudzika dzimba dzemudurikidzwa dziri kuMatapi, kuenda pazambuko rinodarikwa naro Mukuvisi nemugwagwa waCripps.

Panguva iyi, vanhu vainge vatotanga kuchera nemapiki nemafoshiro pasi pezambuko iri apo Madzibaba Cardington Muzanenhamo ainge achiti ndipo pane marangwanda emutumbi waBeyonce Mukwenji-Matsinha uyo anonzi akatsakatika munaChivabvu 2013.

Madzibaba Cardington ane sowe rake reJohane Masowe weChishanu pedyo nedzimba dzemudurikidzwa dzinogara vanhu vakawandisa dzeShawasha, kwakare kuMbare.

Panguva imwe cheteyo, vaizviti ndivo amai vemwana wekushaikwa uyu, Madzimai Ellen Mukwenji, avo vanopinda chechi yeJohane Masowe weChishanu, vainge vachibidirika vachinzi vakabatwa nemweya wemwana wavo.

Asi pavakangoona kuti pavaiita izvi vaitorwa mifananidzo neKwayedza, Madzibaba Cardington naMadzimai Ellen vakabva vaedza kutiza, ngirozi nemweya waBeyonce zvaenda.

Izvi zvakaita kuti vose vapotse vaitwa kanyama-kanyama nechaunga chevanhu icho chainge chawanda zvekutadzisa motokari dzaishandisa Cripps Road kufamba zvakanaka.

Muporofita uyu akatozoponeswa nevakazviti mapurisa, asi vainge vasiri muyunifomu, avo vakamukwekweredza ndokuendwa naye kuMatapi Police Station mushure mekunge vambofemeswa nekuchera pasi pezambuko apa asi ndokushaya chinhu.

Achitsanangura nyaya iyi apo ainge asati atorwa nemapurisa, asi achiti ngirozi yakaona izvi yainge yambosuduruka, Madzibaba Cardington akati: “Amai ava vakauya kumasowe kwangu nemusi weSvondo wadarika (4 Gumiguru) vachiti vairwadziwa nemusoro zvakanyanya.

Pandakangovaturika ruwoko rwangu vakabva vadonha.

“Apa ndipo pazvakabva zvaonekwa nengirozi kuti mwana wavo akatsakatika muna 2013 akavigwa pasi pezambuko apa. Ndakavati vanotora hama dzavo kuti tizoita basa.”

Obvunzwa kuti ko sei paainge ati pacherwe apa pasina chakawanikwa chinhu, muporofita uyu akangotanga kubwaira-bwaira achiviga chiso kunzvenga kutorwa mifananidzo.

Veruzhinji vakabva vatanga kushevedzera vachiti; “Ngavarohwe! Ngavarohwe!” mushure mekunge vanhu vaichera vasina chavakawana uye mupositori uyu ava kunongedzera nechekumusoro kwezambuko iri achiti mweya waiti ndiko kwaive kwakavigwa chitunha chaBeyonce apo akapondwa neimwe hama yake inoita zvemishonga yekuromba, mutumbi wake ndokutonongorwa nhengo usati wanofushirwa pasi pezambuko iri. Munhu ainzi nemuporofita uyu akaita izvi anonzi akashandisa mitezo yemwana uyu kuromba uye anonzi munhukadzi.

Amai vaBeyonce vakatsinhira apo mweya wainge wambovabata wakange waenda vachiti: “Ichokwadi, mwana wangu ainzi Beyonce ndakamushaya munaMay (Chivabvu) 2013 apo ndakamusiya pamba pasisi vangu muno muMbare patinogara.

“Pandakabva pamba kuma9 ndaienda kuMarket Square kunonyoresa kuzovhota musarudzo. Ndakazongonzwa achinzi ashaikwa ndokumutsvaga tikamushaya dakara nanhasi.”

Madzimai Ellen, avo vanoti vakasiyana nemurume wavo, Kisswell Matsinha, wekwaMurehwa asi achigara muBlock 7, Mbare Flats, vanoti nyaya yekutsakatika kwemwana wavo vakaimhan’ara kuMbare Police Station.

Vobvunzwa kuti izvo zvekuti mutumbi wemwana wavo wainge wakavigwa pasi pezambuko vainge vazvinzwepi, Madzimai Ellen vakati: “Mweya wanga wakandibata plus ngirozi yaMadzibaba Cardington ndizvo zvayaona.”

Asi mukadzi uyu akambonyebera kunge ava kurasika njere zvishoma asingapindure apo akabvunzwa kuti kana uri mweya wange wakamubata, uye apa achiti wainge waenda, akaziva sei zvaitaurwa nemweya uyu.

Kusvika pakazobva Kwayedza panzvimbo iyi pasina chati chawanikwa sezvaitaurwa nengirozi yaMadzibaba Cardington, uye muporofita uyu atorwa nemapurisa, Madzimai Ellen vainge vasara voga vava kusveeredzwa neruzhinji. Mutauriri wemapurisa mudunhu reHarare, Assistant Inspector Simon Chazovachiyi, vanoti vanoda nguva yekuongorora kuti nyaya iyi yakafamba sei.

 

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×