Tezvara Vakapotsa Vafira Roora

Bhokisi raive nemutumbi waSandra Dumisani Sithole richiiswa muguva
Bhokisi raive nemutumbi waSandra Dumisani Sithole richiiswa muguva

YAKAVE batai-batai kumakuva ekuNyatsime New Cemetery, kuChitungwiza, nemusi weMuvhuro svondo rino apo vamwe tezvara vakapotsa vazvikanda muguva raida kuvigwa mwanasikana wavo uyo anonzi akapondwa nemurume wake, vachiti vaida kutanga vapihwa mari yavo yeroora.

VaJimmy Dumisani Sithole (60), avo vanove baba vemushakabvu Sandra Dumisani Sithole (23), vaida mari yeroora kubva kune vemhuri yekumukuwasha wavo paguva apa.

Basa rekuviga Sandra rakatombomiswa apo baba vake vaiti zvaiva nani kuti vavigwe vari mupenyu pamwe chete nemwanasikana wavo kana vachinge vasina kupihwa roora ravo nevakuwasha.

Sandra anonzi akapondwa nemurume wake, Peter Kumbirai Stephen (30), musi weChishanu chadarika mushure mekusanzwisisana nenyaya yerwendo rwainge rwarongwa nemudzimai uyu rwekuenda kuSouth Africa murume asingazive.

Anonzi akamuponda nesimbi mumusoro kwave kuzomubaya nebanga, sekutaura kwehama dzemukadzi wechidiki uyu.

Peter akazonwawo muchetura ndokunofira muchipatara cheChitungwiza Central Hospital nemusi weMugovera wadarika, rinova raive zvakare zuva rebhavhadhe rake rekusvitsa makore 30 ekuberekwa.

“Sandra haasi kuzoradzikwa pano kana musina kundipa muripo wangu wemhosva yamakapara. Ndiri kuzopinda muguva umu mondiviga ndiri mupenyu. Mwana wangu kufa achipondwa sehuku here?” vakashevedzera vachidaro VaSithole.

VaSithole vaitaura izvi vakagara pedyo neguva remwana wavo iro raivakirirwa mukati.

Izvi vaizvitaura kuhama dzemukuwasha wavo kuti dzibvise mari yeroora yainge isina kubviswa naPeter. Mukuwasha uyu anonzi akabvisa $5 yetsvakirai kuno bedzi.

Mumwe mukoma waPeter, Cosmas Wilson (47), akazobvisa madhora maviri achiti vakange vasina mari yaidiwa.

“Patataurirana tiri kumba tabvuma mhosva yatakasiirwa nemunin’ana wedu, Peter. Vana tezvara nanatsano vati vanoda mombe 6 neUS$800. Tachema-chema tikati tiri varombo vakanzwisisa vakati tibvise mombe 6 bedzi isu tikati tichazozvigadzirisa. Zvino tiri kushamisika nyaya iya yatanga zvakare tave kumakuva kuno.

“Pamusoro pazvo, vari kurambira nechitupa chaPeter zvekuti hatitokwanisi kuenda kunotora chitunha chake kumochari mangwana (musi weChipiri svondo rino),” akadaro Cosmas.

Asi VaSithole vakaramba vakatsika madziro vachiti vaida muripo wavo kuitira kuti mwana wavo avigwe zvinova zvakanonotsa hurongwa hwekuchengetedzwa kwaSandra nemaminitsi aidarika makumi matatu.

“Mungandikandira dhora? Ndiko kutamba nenika uku! Handibvi pano, nhasi muchandiviga pamwe chete nemwana wangu. Ndinoda muripo wangu wakakwana,” vakadaro vachiratidza kushatirwa.

Cosmas akazowedzerwa mari iyi vachibva vazobvisawo US$10 yekubvuma mhosva zvakazoita kuti bhokisi raSandra ridzikiswe muguva riri roga, VaSithole vachisara kunze.

Vachitaura neKwayedza, VaSithole vakati Peter ange ave nemakore mana achigara nemwana wavo uye akangobvisa US$5 yetsvakirai kuno bedzi.

Vanoti vanoda kuripwa nemombe nhanhatu dzinotsika nevakuwasha vavo.

“Akapara mhosva akaenda saka ini handina kuda kuomesera vakuwasha. Ndakataura navo tiri kumba ndikati ndinoda mombe 6 bedzi asi vanongoti tichagadzirisa. Nhasi uno vondipa dhora, kushora kwakadii ikoko?

“Vanofanira kuripa ngozi yavakaparirwa nehama yavo nekuti tichibva pano tichafamba semhuri kuti mufi ataurewo zvaanoda uye acharwisa,” vakadaro.

Pamakuva apa pakamboitawo mhere-mhere apo vamwe vehukama vekumhuri yaSandra vaida kurwisa vakuwasha vachiti vaifanira kuvapa roora ravo.

“Kana muchifunga kuti ndimi mega munogona kubaya vanhu nemapanga, kana isu tinogona kuzviitawo ipo pano pamakuva,” akadaro mumwe murume achidhonza Cosmas asi akazorandutsirwa.

Sandra naPeter vasiya mwanasikana, Tania (4).

Vaviri ava vanonzi vaigara vachinetsana uye vakamborambana vakazodzekerana.

Amai vaSandra, Mai Febi Alexander (55), vanoti mukuwasha wavo aigara achishungurudza mwana wavo achimbomunyima chikafu.

“Ndakarwadziwa zvikuru kusvikoona mwana wangu akatsemuka-tsemuka mumusoro, ropa rizere mumba. Akamutema nesimbi yemota mumusoro ndokuzomubaya nebanga.

“Ndakanzwa kuti mushure meizvi akatomboenda kuchikoro kwemwana wake kunomutarisa, pamwe aida kumuurayawo asi akamushaya iye ndokuzonwa muchetura,” vakadaro.

Vanoti Sandra munhu aida murume wake nokudaro aisavataurira matambudziko ake.

“Tichafamba semhuri kuti Sandra ataure zvaanoda nezvakakonzera rufu rwake nekuti tose hatizivi, apo iye nemurume wake vose vakafa. Dambudziko raiva naSandra nderekuti aishingirira matambudziko asingatiudze pamwe tingadai takamubatsirawo,” vakadaro.

Amai ava vanoti Sandra anogona kudaro akanetsana nemurume

wake nenhau yekuenda kuSouth Africa sezvo mukuwasha wavo aisada kuti mudzimai wake ashande.

“Patakaenda kumba kwavo mushure mekunge apondwa, takawana pasipoti yake yakabvarurwa uye US$150 yaakange apihwa nehazvadzi yake Tendai kuti anohodha yakange yatorwa zvose zvavigwa pasi pemubhedha.”

Imwe hanzvadzi yaSandra, Tendai Dumisani Sithole (32), anoti: “Hanzvadzi yangu irere apa ndini bedzi ndaiziva matambudziko ake saka ndaimubatsira nechikafu asi vabereki vakange vasingazvizivi. Ndini ndakange ndamupa US$150 yekuti anohodha zvinhu kuSouth Africa asi zvakaramba mushure mekupondwa kwake nemurume.”

Mumwe mukoma waPeter, Tonderai Wilson (38), anoti akambogara naPeter mushure mekunge arambana naSandra.

“Peter aigaronditaurira kuti mudzimai wake aimushora achiti handidi kuroorwa nevarombo. Vainetsana nenhau yekunoshanda sezvo iye aisada kuti mudzimai wake atsvage basa.

“Saka pavakadzokerana ndakanzwa kuti Sandra akange achida kuenda kuSouth Africa kunoshanda asi vakange vasina kutenderana nemurume, nekudaro ndinofunga kuti ndipo pavakanetsana zvekusvika pakuurayana,” anodaro.

Anoti vane tarisiro yekuripa mombe dziri kudiwa namadzitezvara. “Takabvuma mhosva uye tose takarasikirwa, izvozvi vanatsano vakatitorera chitupa chemukoma wedu zvekuti hatikwanisi kunotora chitunha chake kumochari. Tinofanira kunomuviga kumusha kwaMutoko. Tiri vanhu vanogara kumamisha uye matambudziko aya akatiwira tisina kana sendi,” anodaro.

Sandra akachemerwa kumba kwevabereki vake panhamba 10040 Unit H, kuChitungwiza uyuwo Peter ndokuchemerwa kumusha kwMutoko.

Mutauriri wemapurisa munyika, Chief Superintendent Paul Nyathi, vanoti vanoda nguva yekumbotsvaga mafambiro akaita nyaya iyi.

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×