Ngozi yaambuya vaive nemaperembudzi yobhebha

Kingstone Mapupu

MHURI inobva kudunhu raMambo Sahumani, kuHauna, kuHonde Valley, kuManicaland, inoti yatambudzwa nengozi yaambuya vakafa vachiita zvekupondwa nehanzvadzi yavo mushure mekudzingwa pamusha nokuda kwechirwere chemaperembudzi.

Ngozi inonzi iri kufurufusha mhuri iyi ndeyaMbuya Dziire.

Ambuya ava vanonzi kare vakabatwa nechirwere chemaperembudzi, ndokutanga kutandiranwa nehama kusvikira vazopondwa neimwe hanzvadzi yavo.

Mweya wechembere iyi unonzi uri kusvika kuvazukuru vavo vakasiyana-siyana, imwe nguva chipoko chavo chichionekwa mudzimba dzehama dzavo.

Mai Ketura Teko (50), avo vanogara mumusha weBudiriro 5B, muHarare, uye vari muzukuru mumhuri iyi, vanoti vari kushungurudzwa nemweya waambuya ava.

“Tatambudzwa nengozi yaambuya, amai vaamai, vainzi Mbuya Dziire. Vanonzi kare ikako vakaberekwa ndokuzobatwa nemaperembudzi, izvo zvakaita kuti veukama vatange kuvasema, ndokurambwa nasekuru vedu. Zvakadaro, vakabereka vanasikana vaviri — amaiguru vedu naamai vangu, Mavis Sahumani Teko,” vanodaro Mai Teko.

Vanoti ambuya vavo vachirwara nemaperembudzi kudaro, vaisemwa nemhuri yose, izvo zvakaita kuti vamborasirwe musango, umo vaigara, ndokuzoguma vafunga zvekuenda kwaiva kwakaroorwa mwanasikana wavo mukuru.

Pashure vakazodzokera kumusha kwavaberekwa, uko vakazotorwa nehanzvadzi yavo nengoro, vachinzi vave kuendeswa kumwanasikana wavo mudiki.

“Gogo Dziire vanonzi vakazotorwa neimwe yehanzvadzi dzavo, avo vanonzi vakabopa mombe nengoro, ndokuvatakura semunhu airwara. Mukati merwendo urwu musango, zvinonzi hanzvadzi yavo yakazovatora, ndokuvaponda, ikakanda mutumbi mubako. Mamwe mashoko anoti vakavatora, ndokunovagadzika mubako, mavakazofa nenzara,” vanodaro Mai Teko.

Mai Ketura Teko

Vanoti hanzvadzi yaambuya vavo iyi inonzi yakanonyepa kumusha kuti vainge vanovasiya kumwanasikana wavo mudiki.

“Mushure menguva, kwakazobva shoko kumwanasikana mudiki uyu rokuti vaida kuti amai vavo vauye kwavari, izvo zvakaita kuti kutsakatika kwechembere iyi kubude pachena. Kubva ipapo Mbuya Dziire havana kuzomboonekwa mukati memakore anonzi ave kudarika zana kusvika izvozvi,” vanodaro Mai Teko.

Vanoti marangwanda aambuya ava kana guva ravo hapana anoziva kwazviri kunze kwehanzvadzi yavo, iyo inonziwo yakazofira musango pasina anoziva kuti yakafa; yakazongowanikwa angove mapfupa.

“Nokuda kwekutsakatika kwakaita ambuya vedu Dziire, mweya wavo uri kupfuka, uchitaura kuti vanoda kuti mapfupa avo adyorerwe, vagochemwa patsva nekuchenurwa sezvinoitwa vamwe vanhu, vovigwa zvine mutsigo. Ini ndinovarota nguva nenguva vachindiratidza pane mapfupa avo nesango racho ririko kumusha kwedu kuHonde Valley,” vanodaro Mai Teko.

Vanoti vanovarota vachiita hasha kwavari, vachiti vanoda kuti vatungamirire vanhu kuenda kune mapfupa avo kuti vazovigwa nekubikirwa doro.

“Ngozi iyi haina kwairi kusiya, ini ndinovarota uye vamwe vanotovaona ambuya ava vachipinda mudzimba dzavo sechipoko. Mumhuri medu muri kufiwa zvakanyanya, kwanasekuru vangu vanhu vanozongowanikwa vaora, vakafira musango, pasina chinozivikanwa kuti vanofa nei,” vanodaro Mai Teko.

Vanoti nokuda kwengozi iyi, vanasikana havaroorwi, mumhuri yose vanhu havawani mabasa uye vamwe vanogara vachida kuzviuraya.

“Ini ndakaroorwa nevarume vanokwana kuita vatatu. Wekutanga ndakagara naye makore gumi ndikaita nhumbu mbiri dzichibva zvichinzi ingozi iyoyi. Ndakaroorwa nemurume wechipiri tikagara zvakare makore gumi asi hapana kubuda mwana, ndikazoroorwa nemurume wechitatu asi handina kuita mwana zvakare. Vamwe varume vaviri ava vakafa tichigara tose uye wechitatu ndiye mupenyu,” vanodaro Mai Teko.

Vanoti vane fungidziro huru yokuti murume wavo wekutanga newechipiri vanogona kunge vakaurayiwa nengozi iyi.

“Ambuya vedu vaibva kwakare kuRupinda, kuHonde Valley. Dambudziko rengozi iyi ranetsa nokuti kune vamwe vemhuri yedu vanoti vanopinda dzisvondo, vachiti havadi kuita zvechivanhu. Izvozvi ndiri murwendo kuda kuenda kwanasekuru kuti nyaya idzi dzifambirwe, ndiende nemhuri kunovaratidza nzvimbo yandiri kuroteswa iri kunzi nemweya waambuya ava ndipo pane mapfupa avo,” vanodaro Mai Teko.

Vanoti sekuru vavo, baba vaamai vavo, vakaramba ambuya vavo ava nokuda kwechikonzero chokuti vairwara nemaperembudzi.

“Mudzinza medu vanhu vapera kufa zvisina tsarukano uye mweya wekuda kuzviuraya uzere mukati medu. Inini ndakaedza kuzviuraya kanokwana kaviri, pamwe pacho ndakanwa mapiritsi emakonzo uye pamwe pacho ndikaedza kuzvisungirira tambo ikatozochekwa ndarembera. Zvinongouya ndisingadi, ndichingonzwa kuti zviuraye,” vanodaro Mai Teko.

Vanoti nokuda kwengozi yaambuya vavo iyi, havazivi kuti kunosara ani mudzinza sezvo mumhuri yavo makafa vanhu vanodarika makumi maviri panguva isingadariki makore makumi maviri.

“Baba vedu vainzi Joseph Teko vakashaik; tangosarirwa naamai nedzimwewo hama, kusanganisira kumadzisekuru edu uko ndiri kuronga kuenda kwaMambo Sahumani kunopira nyaya yedu,” vanodaro Mai Teko.

Nyanzvi yezvechivanhu, Gogo Shumba, vemuHarare, vanoti zvakakosha kuti vemhuri iyi vaise misoro pamwe chete, varipe ngozi iyi.

“Pane zvakawanda zvinoda kuitwa pamweya wamuchembere uyu. Panoda kutanga mapfupa avo aonekwa, onovigwa patsva, pachiitwa chenura apo panobikwa doro. Pamusoro pezvo, panofanirwa kunobviswa pfuma zvakare kumusha kwavo sezvo vachinzi vakanga vasina kuroorwa. Mhuri yose iyi inofanirwa kuzobika doro rekuchema ambuya ava,” vanodaro Gogo Shumba.

PIX: Ngozi yaambuya vakatsakatika yonetsa mhuri

Related Posts

MaWarriors dhuma-dhuma neSierra Leone

Abel Ndooka CHIKWATA chenyika chenhabvu chemaWarriors chiri kupinda muhondo nhasi apo chiri kusangana necheSierra Leone mumutambo wekurwira kuenda kumakwikwi e2027 Africa Cup of Nations. Mutambo wemaWarriors neLeone Stars uri kutambirwa…

MaLady Chevrons obandana neWest Indies

Abel Ndooka CHIKWATA chenyika checricket chemadzimai, chemaLady Chevrons, chiri kupinda muhondo kutanga svondo rino, apo chichatatsurana necheWest Indies mumitambo mitanhatu. MaLady Chevrons neWest Indies zvichasangana mumitambo inoti mitatu yeOne-Day International…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *