
NGOZI yababa nemwana avo vakapondwa makore 37 adarika iri kuita kubaka semoto vachipfukira imwe mhuri yekwaMuusha, kuNyanyadzi kudunhu reManicaland, izvo zvamanikidza hama dzevakapara mhosva iyi kunopotera kwamambo vachikumbira kuripa.
Vaviri vanonzi vakapondwa ava ndiRobert Mukome nemwana wake Chakanyuka Mukome, avo vanonzi vakaurayiwa musi wa17 Gunyana mugore ra1978.
Vanonzi vakapondwa mushure mekunge vatengeswa nasahwira wavo, Freddy Sibamba, uyo anova mupenyu uye ari kubvuma kuti ndiye akakonzeresa rufu rwavo.
Nyaya iyi, iyo iri mudare raMambo Muusha, VaDaniel Muusha (72), yakambozeyewa nemusi weMugovera 22 Nyamavhuvhu kuNyanyadzi.
Munyori wedare ramambo, VaJealous Mukono (37), vanoti nyaya iri pakati pemhuri yekwaMukome, vanova vakaponderwa hama dzavo, nevekwaSibamba uko kunonzi ndiko kune vakakonzera kufa kwevaviri ava — iri mudare ravo.
“Nyaya iyi yakazobuda apo mumwe mwanasikana wekumhuri yekwaSibamba akatanga kubatwa nemweya waRobert Mukome achiti aida kuripwa kuuraiswa uko akaitwa naFreddy Sibamba. Mwanasikana uyu ava nemakore manomwe achibatwa nemweya uyu,” vakadaro VaMukono.
Dare iri rakaziviswa kuti Sibamba akanyengetedza Robert Mukome achimuti aende kumba kwake kunotenga mombe idzo aiti dzaiva dzakaderera mutengo zvikuru.
Pakaenda Robert Mukome, zvinonzi akabva asvikouraiwa pamwe chete nemwana wake.
Vaviri ava vanonzi vakanourairwa murwizi rwaSave. Vanonzi vakazopedza makore matatu vasina kuvigwa uye mapfupa avo akazotakurwa kunovigwa kuSt Patricks Mission, kuNyanyadzi, kunove kumusha kwavo.
Mwanasikana ari kubudirwa nemweya uyu, Sipho Bertha Sibamba (20), anonzi anotaura kuti ndiye Robert Mukome uye anoda kuripwa.
Mamwe mashoko anonzi anotaurwa nemweya uri pamwana uyu anosanganisira ekuti Robert Mukome anoda kuendeswa kumusha kwake.
Ngozi iyi inonzi zvakare iri kuti mweya waChakanyuka Mukome, uyo akafa aine makore makumi maviri okuberekwa, uchatevera kumashure uchidawo kuripwa nekupihwa mudzimai sezvo akafa asati aroora.
Zvakadaro, maporofita anoshanda nedare iri, ayo anosanganisira Samhembere naBvuka, vanonzi pavakahaka mweya wemufi vakatadza kutsanangura zvizere mafambiro chaiwo akaita nyaya iyi izvo zvakaita kuti mativi maviri aya awirirane kumbodzokera kumisha yavo.
Pakave nefungidziro huru pakati pemhuri mbiri idzi kuti kune munhu ari kushandisa mishonga yekutsipika maporofita aya kuti adzimaidzwe agotadza kutsanangudza mamiriro enyaya iyi zvizere.
“VekwaMukome vakati vaida kumbonofamba vachityira kuti vaizogona kutambira miripo isiri yehama dzavo,” vakadaro VaMukono.
Mhuri yekwaSibamba inonzi yakabvisa mari inoita US$602 yekubvuma mhosva iyi kana kuti yegarutso.
Mhuri mbiri idzi dzakawirirana kuzosangana mumwedzi waZvita gore rino vofambira mberi nenyaya iyi.
Mutauriri wemhuri yekwaSibamba, VaTobias Sibamba (50), vanoti havana chekuramba panyaya iyi.
“Hatina chekuramba, ndisu takakonzera rufu rwevanhu vaviri ava. Nekuti mweya waRobert Mukome uri kusvika pamwana wedu Bertha. Tichazosangana zvakare muna Zvita,” vakadaro.
VaSibamba vanoti kugona ngozi chete kuiripa nekudaro vose semhuri vari kuwirirana kuti varipe mhosva iyi.
Vemhuri iyi vanonzi vakamboripa imwe ngozi zvakare yemumwe murume anonzi akauraiswa mumusha mavo.




