Takazvipira: NRZ

VAFANUEL Masikati
VAFANUEL Masikati

KAMBANI inotakura veruzhinji pamwe chete nezvinhu zvakatsaukana, yeNational Railways of Zimbabwe (NRZ), inoti yakazvipira kusimudzira upfumi hwenyika nekuita basa rayo nenguva nedonzvo rekuzadzisa zviri muchirongwa cheHurumende cheZim-Asset.

Anoona nezvekudyidzana neveruzhinji mukambani iyi, VaFanuel Masikati, vanoti vari kuvandudza mashandiro avo nechinangwa chekuti vafambirane nenguva.

“Izvozvi kuti nyika igute, zvitima zvedu zviri mubishi kutakura chibage kubva kunyika yeZambia nekutakura marasha kuasvitsa kwaanodiwa. NRZ ichiriko, iri kufambira mberi nemabasa akasiyana,” vanodaro.

VaMasikati vanoti kunze kwekutakura zvinhu zvakasiyana, vanowanikwawo vachipinda munyaya dzekufadza veruzhinji mune zvavanoda nekuvatakura kuenda kunzvimbo dzakaita sekumafaro.

Vanoti mhuri kana kuti veruzhinji vanogona kuhaya zvitima zvavo kuenda kunzendo dzavanoda.

“Svondo rakapera pamberi chairo takaita chitima chakabva muHarare kuenda kuRuwa nemhuri dzaifara zvikuru vari mumatiroko atinoti Premier Class uyewo tine chinobva kwaOdzi kuenda kwaMutare icho vana vechikoro vanogona kuhaya nezvimwewo munyika yose.

“Tine zvakare yatinoti Family Fun Day apo mhuri dzinofara mumazuva akaita seValentine nemazororo. Zvitima izvi zvinenge zviine zvose sezviri mumahotera seimba dzekudyira, dzekurara nezvimwe zvinoratidza kuti vanhu vari muhotera umo vanopihwa kudya. Vanoita michato vane mikana yekuhaya zvitima zvedu,” vanodaro.

Vakakurudzira veruzhinji kushandisa zvitima vachiti zvakaderera pamutengo uye vane chitima chinofambiswa nemarasha icho vanoti chinofarirwa zvikuru nevashanyi nekutubuka hutsi uko chinoita.

“Tinoti kune veruzhinji ngavauye vachihaya zvitima zvedu, vangava vana vechikoro nevanoda kuita michato, vanochatira imomo chitima chichifamba,” vanodaro VaMasikati.

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×