Ngwarirai mbeu yemukoto: Seed Co

Kingstone Mapupu
KAMBANI ine mukurumbira wekuuchika mbeu dzakasiyana yeSeed Co Zimbabwe yokurudzira varimi kuti vatenge mbeu muzvitoro zvinozivikanwa uye kuti vangwarire kutengeserwa isina kukodzera pamusika wemukoto nemakoronyera panguva iyo mwaka wezhizha waswedera.

Mushandi anoona nezvekudyidzana neveruzhinji kukambani iyi, Muzvare Marjorie Mutemererwa, vanoti inyaya inosuwisa zvikuru kuti varimi vabirwe mari yavo nenzira yekutengeserwa mbeu yemukoto iyo isingavape goho rakanaka.

“Murimi akavhiringirwa mwaka wake pekutanga zvinoreva kuti unopera pasina chaanoita, goho rake rinodzikira uyewo mhuri yake yofa nenzara nyika yoshayawo zvekudya nekudaro zvinokanganisa zvakawanda mukusimukira kwenyika,” vakadaro Muzvare Mutemererwa.

Vanoti sekambani vane zvitoro zvakawanda zvavanodyidzana nazvo zvinotengesa mbeu yavo yose uko varimi vanoenda vakasununguka pasina kutya matsotsi.

“Mbeu yedu seSeed Co inozivikanwa kwekuiwana uyewo mhando dzemapepa edu atinoiisa dzine mutsauko nedzimwe. Tinoti kuvarimi endai muzvitoro chaimo munotenga mbeu kwete kusangana nevanotengesa pamhararano. Siyanai nezvekunzi mirai pano ndinokutorerai, munotengeserwa mbeu yakapendwa nependi kana machoko chaiwo,” vakadaro Muzvare Mutemererwa.

Seed Co inoshandira munyika gumi neshanu dzemudunhu reAfrica uye inouchika mbeu dzinosanganisira yechibage, nzungu, soya bhinzi nemapfunde.

Zvakadai, kambani iyi yakatangisawo kugadzira mbeu yemuriwo nezvimwe munyika kuburikidza neimwe kambani yayakatenga yePrime Seeds.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *