Vopura mari nenzungu

Kingstone Mapupu
VARIMI venzungu kubva kumativi mana enyika vowana mukana wekutengesa zvirimwa zvavo zviri nyore kukambani itsva yeSharlom Peanut butter Project iyo iri mubhizimusi rekukuya dovi kuMbare, muguta reHarare. Muridzi wekambani iyi VaHerbert Chivhinge (40) vanoti vakatarisana nedambudziko guru rekushomeka kwenzungu dzekushandisa mubasa ravo rekukuya dovi.
“Isu tinokuya dovi pano saka nyaya hombe ndeye kutanga tatsvaga nzungu tozodzitonongora nemichina, topepeta, tokanga nenzira dzechizvino-zvino nekudzigadzira kusvika pakuzokuya dovi,” vakadaro VaChivhinge.

Pazuva vanoti vanogona kukuya dovi mabhagidhi gumi kusvika gumi nemashanu.
“Nzungu dzedu tinodziwana kuvarimi vanouya kumusika kuno kuMbare uyewo tine vamwe vanouya vachikuisa dovi ravo avo tinobhadharisa muripo mukuita basa iri.

“Redu dovi ratinokuya tinoisa mumabhodhoro madiki toendesa mumatakishopu evanhu vakasiyana muno muMbare nekumwewo uye tinotarisira kuzoendesawo kune vezvitoro zvikuru munguva iri kutevera. Dovi ratinokuya pazuva rinozara mabhodhoro 500,” vakadaro.

Vanoti ivo semunhu wechidiki vakakwanisawo kuwanisa mabasa vashandi vanokwana gumi pakambani yavo avo vanotarisira kuvawedzera nekufamba kwenguva.

Zvakadaro, vanoti semunhu achiri kutangisa vanodawo mari yechikwereti yekuti vasimukire. “Tikawana mari inokwanirana tiri kuronga kuzonotenga nzungu kumaruwa nekumapurazi sezvo varimi vedu vachiunza nzungu idzi shoma nekushaya chekutakurisa,” vakadaro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *