‘Ngwarirai moto wesango’

Muchaneta Chimuka

DAMBUDZIKO remoto wesango riri kuramba richikura munyika, izvo zvakonzera kuti vanhu vaviri varasikirwe neupenyu gore rino kusvika pari zvino uye kuti mahekita anodarika 421 474 pamwe chete nemidziyo yakasiyana-siyana zviparadzwe, rinodaro sangano reEnvironmental Management Agency (EMA).

Nguva pfupi yadarika, imwe mhuri yekwaSabhuku Danda, kwaMambo Chipuriro, kuGuruve, yakarasikirwa nedzimba mbiri uye midziyo, izvo zvinokosha US$10 000 pamwe chete, nokuda kwemoto wesango.

Musha waVaJoseph Danga ndiwo wakaparadzwa nemoto wesango, uyo vanoti wakakonzerwa nevavhimi  vehanga netsuro.

“Moto uyu uri kunzi wakatangwa nevamwe vanhu vemuraini avo vaivhima hanga netsuro, saka zvinorwadza nokuti takasara tisina kana nepekutangira. Tinongotenda Mwari kuti gogo vanogara pamusha apa havana kutsva sezvo vainge vasiri mumba panguva yazvakaitika asi takarasikirwa nemidziyo inokosha US$10 000,” vanodaro VaDanga.

Vanoti vanotenda veAnglican Church, avo vakavabatsira nechikafu panguva yakaoma kudai.

Mai Amkela Sidanage, vanove environmental education and publicity manager kuEMA, vanoti tsaona yemoto uyu yakaitika zvisinei nokuti masvondo apfuura nhengo dzesangano ravo dzainge dzapinda munharaunda iyi nemamwe matunhu dzichikusha mashoko echenjedzo maringe nekudzivirirwa kwemoto yesango.

“Kubvira pakatanga nguva yekudzivirirwa kwemoto yesango, uwandu hwemoto hwave pa1 186, iyo yakapisa mahekita 421 474,56 kana zvichienzaniswa nemoto 2 250 yakaitika muna 2024 panguva imwe chete yakapisa mahekita 618 644,15. Muchiitiko ichi, vanhu vaviri vakafa nokuda kwemoto wesango  mwaka uno wa2025 pamwe nekurasikirwa kukuru nemidziyo yakasiyana-siyana nezvipfuyo,” vanodaro.

Vanoti kuwanda kwemhepo inotakura marimi emoto pamwe nekushaikwa kwedziviriro ndiko kumwe kuri kuita kuti moto yesango irambe ichiwanda.

“Mukati mesvondo rino (rapera), kurasikirwa kukuru kwakaitika kuMashonaland East neMashonaland Central apo mudunhu rimwe nerimwe makaitika nyaya yemoto mumasango pakapiswa misha yakawanda panguva iyi.

“Kupiswa kwemasango muZimbabwe kunokonzerwa nevanhu, nokudaro tinoda kuti tose titore matanho nekuchimbidza, zvikuru munharaunda, tichitungamirirwa nemadzishe edu. Kupiswa kwemasango kunoparadza chikafu, upfumi, kukanganisa kugara zvakanaka kwevanhu nemhuka,” vanodaro.

Mai Sidange vanoenderera mberi vachiti: “Tinokurudzira voruzhinji kuti vatevedzere zvavanenge vachiudzwa mumisangano yatinoita munharaunda dzavo. Moto wesango unoparadza nharaunda, midziyo nezviwanikwa, saka unofanira kudzivirirwa.

“Zvakakosha kuti paitwe hwaro (fireguard) pedyo neminda uye misha kuitira kuti kana pachinge paita tsaona yemoto wesango vanhu havarasikirwi nemidziyo yavo inokosha.”

Vanoti Hurumende yakaburitsa gwaro remutemo rakanangana nenyaya dzekudzivirirwa kwemoto wesango gore ra2025 kutanga nomusi wa1 Chikunguru kusvika 30 Mbudzi, kuburikidza nebazi rinoona nezvenharaunda.

“Gwaro iri, riri kuyeuchidza voruzhinji nevarimi zvikuru kuti imhosva huru kutanga motomupengo munzvimbo dzinogara vanhu nemumabhizimusi.

“Ani naani achawanikwa achiita izvi anosungirwa kubhadhara faindi isingadariki Level 8 kana kugara mujeri kwenguva isingadariki gore kana kuti zvose,” vanodaro.

Related Posts

Hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa dzotsvagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMasvingo vari kutsvaga hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa uyo ane mutumbi wakachengetwa kumochari yeko. Mutumbi uyu ndewe murume akatsikwa nemotokari mumugwagwa weHarare-Masvingo pachinhambwe…

Nhengo dzemuviri wemunhu dzawanikwa mudumbu regarwe mushure memazuva 22

Rutendo Nyeve NHENGO dzemuviri wemurume akaurayiwa negarwe padhamu reMpopoma, kuMatobo nemusi wa1 Chivabvu dzakazoonekwa dziri mudumbu rengwena iyi mushure mekunge yavhiiwa kwapera mavhiki anodarika matatu. Izvi zvakaziviswa neveZimbabwe Parks and…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×