‘Ngwarirai nyoka mudzimba’

Kingstone Mapupu
VERUZHINJI vari kuyambirwa kuti vangwarire nyoka mudzimba dzavo nemunharaunda zvichitevera kunyanya kupisa kuri kuita kunze izvo zvinokonzera kuti dzibude mumaguru nemumwena dzichitsvaga nzvimbo dzinotonhorera.

Yambiro iyi yakapihwa naVaTinashe Farawo, avo vanova mutauriri webazi rinoona nezvemhuka dzesango, reZimbabwe National Parks and Wildlife Management Authority, vachiti nyoka dzinogona kupotera mudzimba, mumapindu nemudzimwe nzvimbo dzinogara vanhu.

“Nyoka dzinogara matiri senguva dzose, asi senguva ino yekupisa kwekunze sezviri kuitika mumazuva mashoma adarika, tinofanirwa kungwarira nyoka zvikuru nekuti dzinokwanisa kupinda mudzimba. Mumwena kana kuti muguru madzinogara munopisa kunyangwe mumatombo nemumapako umo dzinobuda dzichitsvaga panotonhorera pakaita semumapindu kana mudzimba,” vanodaro.

Vanoti dambudziko renyoka iguru kumatunhu anonyanya kupisa kuine masango akapfumvura kwakaita sekuChiredzi, Hurungwe, Hwange, Gokwe, Binga, Victoria Falls, Kariba, Dande, Chimanimani, Chipinge neRushinga.

“Inguva yekuti titore matanho ekudzivirira nyoka munharaunda dzatinogara uye pane makambani anoziva mishonga yekudzinga nyoka ingava yechivanhu kana kugara nekatsi pamisha yedu.

“Nyoka dzakaita semarovambira, mhungu nemadzvoti dzinokurumidza kutiza kupiswa saka dzinogona kupinda mudzimba, mumagaraji kana mumazumbu, zvikuru shato. Tinogona kuzorasikirwa nehuku, tsuro kana zvimwe zvipfuyo zvarumwa kana kumedzwa nenyoka,” vanodaro.

VaFarawo vanoyambirawo kuti vanhu vauraye makonzo nembeva dzinowanikwa pedyo nemisha sezvo tupukanana utwu twuchikwezva nyoka.

Related Posts

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Mudzimai ane mapatya, akatsva nemafuta otsvaga rubatsiro

Muchaneta Chimuka MUDZIMAI wekuManyame Park, kuChitungwiza, uyo akawirwa netsaona yekutsva nemafuta ainge ari pamoto panguva yekubika uye ane mapatya ane mwedzi miviri yekuberekwa, otsvaga rubatsiro rwemishonga yekurapwa pamwe nemukaka wemumagaba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×