Anoita ‘gochi-gochi’ yembwa… ‘Ndinogona futi kudya munhu’

Shelton Masina
MUNYAYA inoshamisa zvikuru, murume anogara mumusha weSizinda, kuBulawayo, ari kunzi akauraya imbwa yake, ndokugocha nyama yacho iyo akatetena kudya pamberi pevavakidzani vake, ndokuzovatyisidzira achiti anogonawo kuvaponda – odyazve nyama yavo.

Jacob Mwanza (26) anonzi musi uyu ainge akadhakwa zvekuraradza uye agara aine katsika kekusasiyana nembwa yake iyo aibata-bata muviri wayo sekunge anobata-bata munhukadzi.

Mwanza anonzi aigaroudza vavakidzani vake kuti nerimwe zuva achauraya imbwa yake iyo yainyanyozivikanwa nezita rekuti “My Lady”.

“My Lady yaigaroshungurudzwa naJacob kunyanya apo aiuya akadhakwa zvekuti aiibata-bata sezvinonzi mukadzi wake,” anodaro mumwe muvakidzani uyo akangoti anonzi Nonsikelelo.

Mwanza anonzi anozivikanwa nekuita ruzha kana achinge adhakwa uye akamboudza vavakidzani vake kuti achavadya nerimwe zuva.

“Jacob anogara achiita ruzha pano, kunyanya paanenge akadhakwa. Akatityisidzira achiti achatidya nerimwe zuva saka tinomutya zvikuru,” anodaro mumwe muvakidzani uyo anotya kutaurwa nezita rake.

Svondo rapera, zvinonzi Mwanza akadzoka kumba kwake akadhakwa ndokutanga kutukirira maroja epamba pemhuri yavo achiti anoda nyama yekugocha.

“Akapopota achiti anoda nyama yekugocha apo akadzoka akadhakwa. Akabva auraya ‘My Lady’ pamberi pevanhu,” vanodaro Mai Ncube vanogara pedyo naMwanza.

Mwanza anonzi mushure mekuuraya imbwa iyi, akaivhiya ndokutanga kugocha nyama yacho kusvikira akazomiswa nemhomho yevanhu.

Mwanza anoudza Kwayedza kuti akaita izvi nekuti anofarira chirongwa cheUltimate Braai Master icho chinobuda paterevhizheni asi anoramba kuti akadya imbwa.

“Handichakwanisa kurangarira chaizvo zvakaitika nekuti ndainge ndakadhakwa. Ndinofarira kugocha uye ndakazviita nekuda kweBraai Master kuti ndiuraye imbwa yangu, asi manyepo kuti ndakadya nyama yacho,” anodaro.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×