Akanwa wemakonzo arambwa

Tatenda Shuro

MUKOMANA wemuHarare akadhonzera aimbove musikana wake kudare reHarare Civil Court achiti ari kuramba kurambwa uye akatombosvika pakunwa muchetura achida kuzviuraya.

Brian Tsere akamhan’arira Jane Sakanda kudare iri achida gwaro redziviriro.

Mutongi Trevor Nyatsanza akapa Tsere gwaro redziviriro.

Tsere anoti haachada nezvaSakanda asi musikana uyu ari kumumanikidza kuti varambe vachidanana.

“Mambo wangu, uyu aimbove musikana wangu asi takasiyana nomusi wa4 Gunyana gore rino. Chandafambira kuno ndinoda dare rindibatsire mundipewo gwaro iro rinondidzivirira kwaari. Musikana uyu ari kuramba kurambwa,” anodaro.

Tsere anoti Sakanda akauya kumba kwaari kugara ndokunwa mushonga achiti hazviite kuti varambane.

“Akauya kumba kwandinogara achiti handisi kuda kubva pano zvekutozosvika pakunwa mushonga uye akandityisidzira nekundimanikidza kuti ndimurapise.

“Ndave kutoshaya rugare ini mambo. Hama dzake dzakange dzave kundityisidzirawo kuti ndikasamurapisa akasapora vaizotevera kwose kwandinoenda, kusanganisira kwandinopindira svondo,” anodaro Tsere.

Sakanda haana kuuya kudare kuti azopewo divi rake panyaya iyi.

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *