‘Ngwarirai zvirwere zvezvipfuyo’

Malven Mugadzikwa
VARIMI vokurudzirwa kuti vatore matanho akasimba ekudzivirira zvipfuyo zvavo kubva kuzvirwere zvakasiyana zvemunguva ino yezhizha.

Kurudziro iyi yakaitwa nemumiriri weMhondoro-Mubaira mudare reNational Assembly Cde George Gangarahwe nguva pfupi yadarika apo vaipa makomiti makumi maviri emadhibhi emudunhu ravo mushonga wekudhibhisa mombe.

“Mushonga uyu ndewekuti vane mombe vachengetedze mombe dzavo kubva mukurumwa nezvikwekwe nezvimwewo.

“Mombe zvipfuyo zvakakosha, kunyanya kuno kumamisha nekuti ndidzo dzinoshanda pakurima uye kubatsira mune zvimwe kusanganisira kutengesa vana vachienda kuzvikoro uye zvakare ndihwo hwaro hweupfumi kuvagari vekumaruwa. Hutano hwemombe hunoita kuti zvese izvi zviendeke. Ndapa makomiti emadhibhi ari munharaunda yandinomirira makumi maviri anokwanirana nemadhibhi acho mishonga kuti vakwanise kudhibhisa mombe dzavo dzisavhiringidzwa nezvikwekwe,” vanodaro.

Cde Gangarahwe vanoti kupa kwavakaita mishonga yekudhibhisa mombe uku kava kechipiri uye chikonzero ndechekuti mishonga yacho yanga isiri kuwanika zvakanaka kumadhibhi gore rino kana zvichienzaniswa negore rapera.

“Izvi tazviita nguva iyo vanhu vanga vava kuchema-chema nenyaya yekuti mombe hadzisi kuendeswa kumadhibhi nekuti mishonga haisi kuuya nenguva. Ndakaona kuti nguva yezhizha mombe dzinofanira kuwana mishonga yakawanda nekuti ndipo panowandawo zvikwekwe nezvimwe zvirwere zvinoda dhibhi pamwe chete nemakonye,” vanodaro.

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *