Holloway otsiva Ferguson

MAX Holloway akabvuma kurwa kumutambo weUFC 223 zvichitevera kuudzwa kwaakaitwa pasara nguva shoma kuti mutambo uyu uitwe ndokutsiva Tony Ferguson uyo akakuvara gumbo rake.

Mutambo wainge wakatarisirwa zvikuru waFerguson naKhabib Nurmagomedov wakakanzurwa zvichitevera kukuvara kwaEl Cucuy rinove zita remadunhurirwa raFuerguson.  Fuerguson akakuvara gumbo rake achitaura nevatori venhau kwasara mitambo mitanhatu kuti arwe naNurmagomedov.

Holloway ndiye ane bhande refeatherweight champion, akabvuma kuenda muboka riri pamusoro uye ari kurwira kuti ave shasha ine mabhande maviri mumapoka maviri.

Conor McGregor ndiye aimbove nemabhande maviri aya, saka chizvarwa chekuIreland ichi chichasangana neshasha ichahwina mutambo uyu pakupera kwegore.

Asi kunyangwe hazvo vazhinji vainge vashevedzera kuti “Notorious” (McGregor) apinde mumutambo uyu pasina nguva, mutungamiri weUFC Dana White akasimbisa kuti mutambo waachakwikwidza ndewemuna Gunyana apo anotarisirwa kudzoka kuzokwikwidza.

“Handifunge kuti Conor McGregor aigona kubvisa huremu huri mumuviri wake nemazuva aitenderwa. Zvinhu zvisingaitike nekuchimbidza.

“Uye Conor haasi mutambi watingati huya urwe nekuti ange achifanirwa kurwa haachakwanise. Mutambi uyo watinotorongera zuva rake remutambo totanga kuri shambadza zvakasimba.

“Ndinofunga kuConor achadzoka muna Gunyana uye uchange uri mutambo mukuru kune achahwina mumutambo uyu,” anodaro. –  Sportsmail UFC

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *