‘Nhabvu inoda vatsigiri vemari’

Abel Ndooka

ZVIKWATA zvenhabvu zvinokwikwidza muCastle Lager Premiership zviri kukurudzirwa kuti zvitsvage vanozvitsigira nemari kana zvichida kuti zvirarame muPSL.

Kurudziro iyi yakaitwa nemutariri wePremier Soccer League, Kudzai Bare, nemusi weMuvhuro uno apo pakaitwa draw reChibuku Super Cup semi-final muHarare.

Achitaura neKwayedza, Bare anoti zvinozivikanwa kuti mari inohwiniswa zvikwata zvemuno ishoma, nekudaro zvikwata izvi zvinofanirwa kuzvitsvagira vatsigiri vanozozvibatsira nemari.

“Igaroziva kuti mari inohwiniswa ishoma asi zvikwata zvinokwikwidza muno hazvifanirwe kutambira nhabvu zvichiti zviri kutambira mari iyoyo nekuti haitombokwani kuchengetedza chikwata kwemwaka mumwe chete.

“Saka chikwata chipi nechipi chine basa guru rekuzvitsvagira vakotsveri vanodira mari kuti chigorarama uye chisimbe. Ndizvo chete zvinodiwa sezviri kuita zvimwe zvikwata zvakaita seChicken Inn,” anodaro Bare.

Gore rapera, chikwata chakasimudza mukombe wePSL chakahwiniswa $100 000 kozoti chakahwina weChibuku Super Cup chikapihwa $75 000 asi gore rino kambani inotsigira aya, yeDelta Beverages, inoti ichawedzera mari iyi kakapetwa katatu.

Bare anorumbidza Delta nekutsigira kwairi kuita mutambo wenhabvu.

“Sekuziva kunoita munhu wose, Delta ikambani hombe zvikurusa uye mabhajeti avo anoitwa gore richitanga saka zvinonetsa kuti tivapemhe kuti wedzerai imwe mari. Izvi zvinorongwa gore richitanga uye hapana aiziva kuti zvinhu zvichazomira semamiriro azvaita,” anodaro Bare.

Zvakadaro, semi-final yeChibuku Super Cup – iyo ichatambwa svondo rino – ichaona ZPC Kariba ichisangana neHighlanders kozoti Harare City kana kuti Triangle ichasangana neNgezi Platinum Stars.

Chikwata chichahwinha pakati peHarare City neTriangle ndicho chichazosangana neNgezi Platinum.

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *