Mari itsva yauya

Africa Moyo

MARI itsva yema$2 bond esimbi ichatanga kushandiswa neveruzhinji kutanga nemusi weMuvhuro uri kutevera.

Izvi zvakaziviswa naGovernor vebhengi renyika reReserve Bank of Zimbabwe, Dr John Mangudya, kuburikidza nechinyorwa chakabva kuRBZ.

Svondo rapera, Dr Mangudya vainge vambozivisa kuti kuchauya mari itsva – $2 yesimbi ne$5 yebepa.

Mari itsva iyi ichange ichishandiswa pamwe chete neyagara iripo.

$2 bond itsva yesimbi ine zviratidzo zvayo zvakangofanana ne$1 bond riri kushandiswa pari zvino.

Dr Mangudya vanoti zviratidzo (specimens) zve$5 itsva yebepa – iyo iri kutarisirwa kubuda nguva pfupi inotevera – zvichatanga kuziviswa kune veruzhinji mushure mekunge Hurumende yadzika mutemo (Statutory Instrument) unotendera kubuda kwemari idzi.

Veruzhinji vange vachigunun’una nekuda kwekushomeka kwemari inenge iri musvo munyika vachiti inofanirwa kuwanda uye ichiwanikwa nyore.

Vemakombi vanoda mari musvo kana veruzhinji vachikwira mota dzavo pamwe chete nevezvitoro zvidiki nevanotengesa zvinhu mumigwagwa.

Vamwe vezvitoro zvidiki vanoti vanoda mari shoma kana munhu achibhadhara nemusvo asi kana ava kubhadhara neRTG voda yakawanda.

Musika wemukoto unochinjwa mari zvakare uri kusiyanisa, kunyanya vanenge vachida kutenga mari yekunze.

Kana munhu achitenga mari yekunze nemusvo uye iri yebepa, anotenga nemutengo wakadzikira asi kana achitenga neRTG mutengo unokwirawo.

Kuuya kwemari itsva iyi kunotarisirwa kuderedza dambudziko iri sezvo veruzhinji vanga vachibatirwa mari yakawanda nevemusika mutema vanotengesa mari.

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *