nhaka yehuroyi yapanduka

— ‘Akasiirwa naamai vake’

— Otiza nyoka pamusha

Munyori weKwayedza —
MUKADZI wekuNyanyadzi —uyo anonzi akagara nhaka yehuroyi hwaamai vake — ave kutambudzwa nezvinhu zvaishandiswa mukuroya zvinosanganisira hari nenyoka, izvo zvave kugara zvichimurwisa.

Zvinhu zvehuroyi izvi zvinonzi zvakamuka chibhebhenenga nguva pfupi yadarika sezvo Basey Nkomo ave kutadza kutevedza mhiko dzinodiwa pakuzvishandisa nekuzvichengeta.

Amai vake, Elizabeth, vanonzi vaizivikanwa munharaunda iyi nekuroya uye vakafa zvisinganzwisisike kutanga kwegore rino.

Mashoko ari kubuda anoti Basey akagara nhaka yaamai vake yekuroya asi haana kuzombobvira awana rugare. Anonzi akatanga kuoneswa chitsvuku nezvinhu izvi mushure mekunge atadza kutevedzera mhiko dzinodiwa nehari mbiri dzakasvibirira idzo dzakamonerwa nemachira matsvuku.

Mukati meimwe yehari idzi munonzi mune nyoka hombe nenyanga inoratidza kuti ichangobva kunyikwa muropa. Mushure mekushungurudzwa nezvinhu izvi, Basey anonzi akazviburitsa mumba ndokuzvikiira panze asi akashamisika apo akazviona zvadzokera mumba.

Pachivanze pemusha waanogara pakazara nezvinhu zvisinganzwisisike.

“Hatisati tamboona zvakadai munzvimbo ino. Zuva rakacheka nyika unoona hari idzi nenyanga zvichifamba-famba pachivanze,” anodaro mumwe muvakidzani uyo akakumbirisa kuti zita rake risaburitswe mubepanhau.

Tawanda Nkomo, uyo anova hama yaBasey, anoti zvinhu zvehuroyi izvi zvaishandiswa naambuya vavo.

“Zvinhu izvi zvaishandiswa naambuya vedu kuti vanhu vemumhuri medu vasabudirire. Pakafa ambuya vedu, tete Basey ndivo vakagara nhaka yehuroyi uhu muchivande. Asi pari zvino zvinhu izvi zviri kugara zvakavarwisa nekuti vaita mutete kwazvo kuti vazvishandise. Takaudza sabhuku wedu nyaya iyi uye Basey akabvuma kuti akakiira zvinhu izvi mumba mushure mekunge amboedza kuzvikanda murwizi rwaNyanyadzi asi zvikaramba kuenda.”

Basey anonzi akatiza ndokuenda kunogara kumba kwemwana wake ave kutyira upenyu hwake. Hanzvadzi dzake nevamwe vehukama vanonzi vakatsvaga n’anga idzo dzisati dzanochenura musha uyu.

Basey haana kukwanisa kutaurwa naye nevatori venhau sezvo nhare yake yakange isingabatike kusvikira pakunodhindwa kwebepanhau rino. — The Manica Post

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×