NHAMO HAIBVE PANE IMWE

  • Akambobviswa gumbo

  • Otambura negomarara

MUKADZI wekwaTandi, kwaRusape, oyaura nedenda regomarara iro rakaita kuti adimburwe gumbo asi zvino hosha iyi yava kuruwoko izvo zvave kuita kuti atarisane nekudimburwazve ruwoko urwu.

Mai Manyara Chinhova (40) vanoti denda iri rakatanga vaine makore 7 okuberekwa kachingoita sekabundu kadiki pagumbo rekurudyi.

Rakazotanga kukura zvinotyisa mugore ra2011 apo vakanzi vaive negomarara remhando ye”pyogenic granuloma”.

Bundu iri rakaramba richikura ndokuguma vadimburwa gumbo muna 2012.

“Ndakangokura ndiinako kabundu pagumbo uye kaisarwadza asi zvakandishamisa kukura kwarakazoita muna 2011 richirwadza zvakanyanya izvo zvakazoita kuti ndinodimburwa gumbo racho mugore ra2012 kuchipatara cheParirenyatwa Group of Hospitals,” vakadaro Mai Chinhova.

Vanoti kamwe kabundu kakazotanga kumera kumusana muna 2013 nekamwe paruwoko rwavo rwekuruboshwe ako kakazowedzera kukura mwedzi wadarika.

Ruwoko urwu vanoti rwuri kuvashaisa hope uye pari zvino vakatombotama kumusha kwavo vachinogara nemwanasikana wavo, Miriam Chikwengu (24), panhamba 3782 Unit D, kuChitungwiza.

Vanorara mumba mumwe chete nemwanasikana nemukuwasha wavo sezvo vachiti hapana zvavangaite.

“Kuno ndakauya mwedzi wakapera pakatanga kuzvimba ruwoko rwangu.

“Hosha iyi yandirigira pasi zvakanyanya sezvo ndiri kutochengetwa nemukuwasha wangu achibatsirana nedangwe rangu muimba imwe chete yavanogara.

“Handichina basa randinoita, kana dai kugeza chaiko,” vakadaro vachiratidza kurwadziwa kwakadzama.

Vanoti murume wavo akashaya mugore ra2011 uye vane vana vashanu apo mumwe wacho, Mellisa Chikwengu (5), vari kumushaira mari yekuti atange chikoro.

“Ndaiitawo mabasa emawoko ndichitengesa sezvinoitwa nemamwe madzimai uye dzimwe nguva ndaiita maricho. Asi zvose izvi hapana chandichagona.

“Dai ndawana rubatsiro rwemari nekuti handisi kuziva kuti bundu iri rakakonzerwa nei uye kuti chii. Handisati ndaona chiremba nekuda kwekushaya mari.”

Vanoda kuvabatsira vanokwanisa kuridza nhare panhamba dzinoti 0777 908 875 votaura naMai Chinhova.

 

Related Posts

Zvikwata zvogadzirira kubandana muMunhumutapa ZIFA Challenge Cup

Abel Ndooka SARUDZO yokuti chikwati chakati chichatamba nechocho mumutambo weMunhumutapa ZIFA Challenge Cup Round of 32 yakaitwa nomusi weChitatu chino, izvo zvichaona matimu akasiyana-siyana emumadivision epasi achibandana neemuCastle Premier Soccer…

Keith Moyo otevera matsimba ababa

Abel Ndooka MUTAMBI wenhabvu wechidiki ari kusimukira — Keith Moyo (13) — ari kutevera mumatsimba ababa vake, Godfrey “Goda” Moyo, avo vakaita mukurumbira vachitambira zvikwata zvinosanganisira Motor Action, Lengthens nemaWarriors.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×