Kingstone Mapupu
MUPOROFITA wechechi yeJohane Masowe yeNguwo Tsvuku wemuguta reHarare anoti nyaya yekuita meso-meso yamuparira zvichitevera kuyaura kwaari kuita nechirwere chenjovhera icho akatapurirwa neshamwarikadzi yake.
Muporofita uyu, uyo akakumbirisa kuti zita rake risaburitswe nekuda kwekunyara veruzhinji, tichamuti Madzibaba Peter.
Anoti ayaura nenjovhera iyo akatapurirwa nemumwe mukadzi waaidanana naye.
“Ndatambura ini nenjovhera, handizive kuti chirwere chacho i’drop’ here kana kuti imwe mhando yechirwere chepabonde kana kuti rwatova runyoka. Nhengo dzangu dzakavandika dziri kurwadza, ndichiburitsa zvinhu zvichena kubva pandakasangana nemudzimai uyu masvondo mana akadarika. Ndinorwadziwa pakuita weti nguva dzose, kana kuchechi ndakambomira kuenda nekunyara,” anodaro Madzibaba Peter.
Anoti akanga apedza mwedzi mina achidanana nemudzimai uyu.
Madzibaba Peter anoti mudzimai uyu akamushanyira kumba kwake masvondo mana adarika apo vakasasana achibva angobatira chirwere ipapo.
“Mudzimai uyu akandishanyira sezvo aigara kwake woga iniwo ndichigara ndoga semunhu akasiyana nemudzimai mugore ra2017. Wandakasiyana naye uyu aiva mudzimai wangu wechipiri nekuti ndakambenge ndarambana newekutanga,” anodaro Madzibaba Peter.
Muporofita uyu anoti hosha iyi iri kuita kuti ajuje mvura nezvimwe zvinhu zvichena kunhengo dzakavandika uye achizvimba nekurwadziwa.
“Mudzimai uyu pandakangoshinha naye, pane zvandakanzwa mumuviri mangu sezvo tisina kudzivirira. Ndakabva ndamutaurira kuti wandikuvadza iye akaramba kuti andipa chirwere. Akabvawo azoenda kumba kwake uko ndakazomuridzira nhare chirwere ichi chabuda ndava nemapundu akaramba kuti pane zvaaiziva, ndakaramba ndichiedza kumuridzira nhare iyo asisadavire kana kudzima,” anodaro Madzibaba Peter. Muporofita uyu anoti haachaziva kuti chirwere chenjovhera chete here kana kuti akatapurirwa HIV neAids.
“Nekuda kwedambudziko iri, maguchu chaiwo emishonga yechivanhu ndiri kunwa. Zviya zvekuti handinwe mishonga yechivanhu unenge usati warwadziwa sezvandiri kuitwa. Mari yekunorapwa handina, kune mumwewo munhu akandipa mapiritsi nhasi (Chitatu chadarika) ayo ndatanga kunwa. Asi ndinoda kubatsirwa, ndayaura ne’sick’ iyi uye munhu wacho akandipa haachada kutaura neni,” anodaro Madzibaba Peter.
Muporofita uyu anoti akambomira kubatsira vanhu kumasowe nekuda kwekuti ari kuti akasviba pamberi paMwari.
“Basa raMwari ndakambomira kuita ndichibatsira vanhu kusvikira chikamu ichi chadarika, ndareurura kune vamwe vangu nekunaMwari. Kunze kwekujuja mvura nekubuda zvinhu zvichena kwakavandika kwangu, mudumbu mava kurwadza zvakanyanya saka ndinoda kubatsirwa,” anodaro Madzibaba Peter.
“Pamadzimai angu maviri andakarambana nawo, havana kumbobvira vakandipa ‘sick’ kunze kweshamwarikadzi iyi itsva, yakandiwororora. Izvozvi ava kunditiza ndava kurwara apo ndaida kutoroorana naye. Yambiro yangu kuvarume ndeyekuti ukadanana nemukadzi tangai maenda kwachiremba kunoongororwa uyewo musasane muchidzivirira nekuti mukasadaro tinopera. Honai ini mumwe wenyu ndava kurwara.”
Anoti ari kuronga kumhan’arira mudzimai uyu kumapurisa nekumuzora kwaakaita chirwere.
Obvunzwa kuti sei mweya mutsvene usina kumutungamirira nekumuzivisa kuti akanga ave kutapurirwa njovhera, Madzibaba Peter anoti mweya mutsvene haushande uchidaro.
“Kana zvatikunda varume ngatishandisei makondomu, ini ndayaura nenjovhera. Ndinokumbirawo kune vanogona kundibatsira nemari yekurapwa kuti ndiende kuchipatara, kana maguchu chaiwo ndinoada, handirare nekurwadziwa,” anodaro Madzibaba Peter.
Anoti kuchechi kwake nekuhama hapana munhu waakataurira nekuda kwekunyara.
“Sezvinofungwa nevamwe, kuchechi kwangu handipfimbe madzimai evanhu nevanasikana vesangano. Hongu, kune mamwe maporofita anozviita kwete ini apa ndakangosanganawo nazvo mukufamba,” anodaro muporofita uyu.
Zvakadai, godobori Sekuru Achapola vekuGoromonzi vanoti zvakakosha kuti Madzibaba Peter aende kunorapwa njovhera iyi kukiriniki kana kuchipatara nekukasika uyewo obatsirwa kuchivanhu senzira yekubvisa hunye hwehosha iyi.



