No. 1: Eaglesvale, Glen View 1 High

Memory Lemani
CHIKORO cheEaglesvale Primary School ndicho chakatora mukombe wekubudirira kwevana pabvunzo dzeGrade 7 dzeZimbabwe School Examinations Council (Zimsec) dzegore rapera mudunhu reGlen View/Mufakose District apo vana vepo vakapasa nechikamu che100%. Izvi zvakabuda pamhemberero dzeGlen View/Mufakose District Merit Awards idzo dzakaitwa svondo rapera.
Glen View 9 Primary yakaenda nemubairo wechipiri, kuchizouya Glen View 7 Primary School.

Mudunhu iri zvakare, vana vakaita 4 Units paGrade 7 vanosvika 79.
Pabvunzo dzeO-Level dzeZimsec dzegore rapera, Glen View 1 High ndiyo yakakunda zvimwe zvose, iine chikamu chevana vakabudirira che32.27% ichiteverwa neMufakose 2 High iyo ine chikamu che32,25%.
Zvikoro zvaipihwa mari nemagwaro semibairo.

Bepanhau reKwayedza rakapa mubairo wekombiyuta kumukuru wezvedzidzo mudunhu reGlen View/Mufakose, VaDavy Ziweni, kuti ugopihwa kuchikoro chavachasarudza ivo.

Kwayedza yagara ichipa mibairo muzvikoro kusanganisira miti yemichero nemimvuri. Masvondo maviri adarika, yakapazve imwe kombiyuta kumukuru wezvedzidzo mudunhu reMbare/Hatfield, Mai Anatoria Ncube, iyo yakapihwa kuchikoro chakasimukira kudarika zvimwe muzvidzidzo gore rapera.

Pamabiko aya, vadzidzisi vakakurudzirwa kuti vakoshese kubatsira vana mukusarudza mabasa avanoda kuzoita muupenyu mune remangwana kuburikidza nekuona zvidzidzo zvavanenge vaine ruzivo nazvo zvakanyanya.

Izvi zvakataurwa naVaClifford Makurira, vanova sales manager kukambani yeRank Zimbabwe, mumashoko avo avakaverengerwa naVaGibson Mavura pagungano iri.

“Kuvandudza zvidzidzo maererano nebasa richada kuzoitwa nemwana pamwe chete nekutsvaga nzira dzekupedza matambudziko ekusarudza mabasa muvana, zvose izvi zvinofanira kukosheswa nevadzidzisi kana vachidzidzisa vana,” vakadaro VaMakurira.

Vanoti vana vechikoro vane zvimwe zvinhu zvinovanetsa mupfungwa maererano nemagariro avo kudzimba izvo zvinogona kuvakanganisa mudzidzo yavo nekudaro vanoda rubatsiro rwevadzidzisi pakadai apa.

“Vana vechikoro vanobatikana muzvidzidzo zvavo nenzira dzakasiyana dzinosanganisira tsaona dzavakambosangana nadzo, kufirwa, mhirizhonga, kumanikidzwa zvebonde nevakuru, kurohwa, rusarura, hurombo, kurwara nezvimwewo. Saka vadzidzisi vanokwanisa kubatsira vana mumatambudziko akadai,” vakadaro.

VaMakurira vakatendawo zvakare bazi rezvedzidzo yepuraimari nesekondari nekuona kuti vana vafundiswa mabasa emawoko ayo anogona kuvapa raramo mune remangwana.

Related Posts

Hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa dzotsvagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMasvingo vari kutsvaga hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa uyo ane mutumbi wakachengetwa kumochari yeko. Mutumbi uyu ndewe murume akatsikwa nemotokari mumugwagwa weHarare-Masvingo pachinhambwe…

Nhengo dzemuviri wemunhu dzawanikwa mudumbu regarwe mushure memazuva 22

Rutendo Nyeve NHENGO dzemuviri wemurume akaurayiwa negarwe padhamu reMpopoma, kuMatobo nemusi wa1 Chivabvu dzakazoonekwa dziri mudumbu rengwena iyi mushure mekunge yavhiiwa kwapera mavhiki anodarika matatu. Izvi zvakaziviswa neveZimbabwe Parks and…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×