Muzvinhabhizimisi akasiiwa pachena

Memory Lemani
MURUME ane mabhizimisi kuChitungwiza, wekutadza kubhadhara musharukwa akamuitira basa rekupenda chitoro chake, akamiswa mudare ndokubatwa nemhosva. Tafirenyika Wara akaendesa Sheperd Jiri kuHarare Civil Court achida US$250 yekupenda kwaakaita chitoro chake chiri kuUnit N, kuChitungwiza.

“Changamire, muchindiona kudai, ndanetsekana nemurume uyu. Ini naye tiri vavakidzani kuChitungwiza, naizvozvo sezvo achiziva kuti ini ndinoita basa rekupenda akauya kwandiri akanditi ndimupendere chitoro chake tikawirirana kuti anondipa $300. Sekuwirirana kwatakaita, ndakaita basa ndikapenda mukati nekunze. Pandakapedza akabva andipa $50 chete akati achazondipa imwe $100 zvobva zvakwana isu tainge tawirirana $300. Handizivi kuti zvekuzoda kundichinjira zvatakanga tawirirana zvakazobva nepi isu tanga tapedzerana pamari yaaifanirwa kundipa,” akadaro Wara. Akati haana zera naJiri sezvo achitomuona semwana wake.

“Handizivi kuti apindwa nemweya werudzii kuti ade kuzondipa mari yakashota isiriyo yatakawirirana. Ndatouya naye kudare kuti tiyananiswe nekuti kuti tipedzerane kumba zvinogona kuzoenda nepamwe tatadza kunzwanana,” akadaro Wara. Jiri akapokana naWara kuti akapenda chitoro mukati nekunze.

“Ndiri kuramba kupa baba ava $300 nekuti basa ravakabata pachitoro changu havana kupedzisa. Vakapenda kunze chete, kwete nemukati saka handioni paine chikonzero chekuti ndivape mari yatakanga takawirirana pakutanga asi kuti chidimbu chemari iyoyo. Dai vakaita nemazvo hataimbouya kuzoyananiswa kuno nekuti mari yavo ndaivapa yose. Handina kana dambudziko nazvo,” akadaro. Mushure mekubvunzurudzwa namutongi Audrey Tarugarira, Jiri akazoti Wara akanga angopenda chitoro chake kamwe chete mukati kwete katatu sezvaaifanira kuita ndokusaka asina kumupa mari yakakwana. Mutongi Tarugarira akati Jiri abhadhare $250 kuna Wara yebasa raakaita pachitoro chake.

Related Posts

Makore 2 mujeri abaya muvakidzani nebanga vachibva kudoro

Sukulwenkosi Dube-Matutu MURUME ane makore 22 okuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemakore maviri nemhosva yekubaya muvakidzani wake nebanga pasina chikonzero apo vaibva kunonwa doro kuFilabusi. Engus Tsumbeni akabatwa nemhosva yekuedza kuuraya…

Murume (23) abatwa nemhosva yekupfeka kamafurashi

Danisa Masuku MURUME wekuBulawayo ane makore 43 okuberekwa akabatwa nemhosva yekuwanikwa aine kamafurashi zvisiri pamutemo uye nekuipfeka zvakare. Qhubekani Mkhize (43) anogara kuNguboyenja, kuBulawayo akamiswa mudare reko pamberi pemutongi VaGolden…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×