‘Nyachide anondisvipa pose tinoonana’

Garnet Zvimba
NYACHIDE wekunzi anopfira mate pasi pose paanoona vahosi vake pamwe nekuvati ipfambi akazochechuka amiswa mudare nemukadzi mukuru uyu.Fadziso Ruddo akaendesa nyachide wake, Grace Moyo, kuHarare Civil Court achiti amushaisa rugare.

Ruddo akauya kudare aine vafakazi vake vanoti Fortunate Hungwe, uyo anova mwana wake, naForget Choto.

Akaudza dare kuti aooneswa chitsvuku naMoyo.

“Mukadzi uyu anopfira mate nguva dzose paanondiona, kunyangwe kumagirosa, achinditi ndiri pfambi. Vana vake chaivo vave kutofundawo tsika yaamai vavo yekunditi pfambi.

Hungwe akati nguva zhinji anoona Moyo achisvipa mate paanoona amai vake. Choto akatsinhirawo mashoko aya achiti: “Ichokwadi kuti Grace anopfira Fadziso, ndakazviona kakawanda zvichiitika.”

Moyo akaramba zvose zvaitaurwa achiti manyepo.

“Ndikamubvunza mari yemagetsi otofamba achinditi ndamutuka. Zvino ndorega kubvunza here?” akadaro Moyo.
Mutongi Trevor Nyatsanza akati Moyo asashungurudze Ruddo nenzira ipi zvayo.

 

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×