Nyachide aponda mwanakomana (3) wavahosi

Kingstone Mapupu

MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaSabhuku Madzura kudunhu raMambo Sahi, kuGokwe South akasungwa nemhosva yekuponda mwanakomana wemukadzi mukuru wemurume wake.

Nyaya iyi inonzi yakaitika nemusi wa13 Kukadzi.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanoti mwana akapondwa uyu ndiAlvin Makore uyo anonzi akapondwa nemudzimai wababa vake mudiki, Sharai Foromani.

“Mwana uyu aigara pamusha apa pamwe chete naamainini vake mudzimai wababa vake semhuri. Alvin Makore anonzi akabva pamba achida kunozvibatsira kusango rekuseri kwemusha wavo apo amai ava (Foromani) vakamutevera ndokunomutakura vakaenda naye kusango riri kure kwemusha uko vakanomudzipa akafa,” vanodaro Insp Mahoko.

Mudzimai uyu anonzi paakaona kuti auraya mwana uyu akabva asiya akanda mutumbi wake mumakwenzi panzvimbo iyi musango imomo.

“Mushure mekusaona mwana uyu Alvin Makore kwechinguva, sekuru vake Dambudzo Machona (55) vaigarawo pamba apa vakazobvunza Sharai Foromani kuti mwana aiva aenda kupi, apo vasina kupindurwa mhinduro inogutsa,” vanodaro Insp Mahoko.

Nekudaro sekuru ava nevamwe vanhu vakatanga kutsvaga mwana uyu kumasango ari padyo nemusha wavo vachibva vazowana mutumbi wake musango. Panzvimbo yakawanikwa mwana uyu panonzi paiva nematsimba etsoka dzaForomani.

“Foromani akasungwa nemapurisa apo nyaya iyi iri kufambira mberi nekufeewa,” vanodaro Insp Mahoko.

Mudzimai uyu ari kutarisirwa kumiswa mudare reGokwe Magistrates Court munguva pfupi iri kutevera nekuda kwemhosva yaari kupomerwa yekuponda iyi.

Mutumbi wemwana uyu wakazotakurwa kuendeswa kumochari yechipatara cheGokwe uko wakamirira kuongororwa nanachiremba.

Related Posts

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Zvikwata zvogadzirira kubandana muMunhumutapa ZIFA Challenge Cup

Abel Ndooka SARUDZO yokuti chikwati chakati chichatamba nechocho mumutambo weMunhumutapa ZIFA Challenge Cup Round of 32 yakaitwa nomusi weChitatu chino, izvo zvichaona matimu akasiyana-siyana emumadivision epasi achibandana neemuCastle Premier Soccer…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×