Nyakoko onanga kuusa

Abel Ndooka
SHANGWITI yemujaho wewiricheya Wilson Nyakoko ari mukembi umo ari kugadzirira kuenda kuUnited States of America kunokwikwidza mumijaho mitatu inoti Annual Kesselar Foundation 10km Road Race, Peachtree 10 km Road Race neweBoilermaker muna Chivabvu. Mijaho iyi ichamhanyirwa kuAtlanta, New York, New Jersey nekuMinnesota.

Nyakoko anoti anotarisira kuenda kunokwikwidza mumijaho yose iyo yaakakundikana kuenda gore radarika nekuda kwekushaya vakotsveri.
Zvakadaro,muchinda uyu anoti parizvino ari mushishi yekutsvaga US$7 000 kuti rwendo rwake rubudirire uye ari kumbira kune vakotsveri kuti vamubatsirewo.

“Ndiri kugadzirira zvakasimba nekuti ndiri kuda kuenda kuAmerica gore rino kunomhanya kumijaho mitatu iyi.
“Mujaho mukuru wandiri kufambira ndeweBoilermaker uyo uchamhanyirwa kuNew York asi ndasvikako ndichanokwikwidza mune mimwe inoti Annual Kessler Foundation 10 km Race, Peachtree Road Race uye pamusoro pazvo ndichambonoita nguva ndiri kukembi yeWheelchair Sports Camp kuMinnesota.

“Chinangwa changu chikuru kunosimudza mureza wenyika yangu chete uye ndichazoshandisawo mukana uyu kuona shamwari dzangu dziri kunyika iyi.

“Kuti rwendo rwangu rubudirire ndiri kuda US$7 000 saka ndiri kutsvaga nepandinogona kuti ndiiwane ndiende,” akadaro Nyakoko.
Nyakoko ane mukurumbira wekuhwapura menduru mumijaho yakawanda uye mwedzi ichangodarika akatora yegoridhe kuSouth Africa kumujaho weOtaniqua Wheelchair Challenge.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×