Nyakoko osimudzira vamwe

Abel Ndooka
SHASHA yekukwikwidza mumujaho wewiricheya – Wilson Nyakoko –  akavamba boka rekusimudzira vamwe vatambi vane matarenda mumutambo uyu rinonzi Wilson Nyakoko Foundation.

Nyakoko – uyo ane mukurumbira wekuhwapura menduru dzakawanda mumujaho uyu munyika muno pamwe nekunze – anoti akavamba boka iri nedonzvo rekubatsira vamwe vatambi kuti vagosvika padanho raave iye.

“Kukwikwidza mumujaho wewiricheya kunoda gadziriro dzakasimba uye zvinodiwa zvacho zvakawandisa saka kuti munhu ugotange kukwikwidza panenge pabatwa basa guru.

“Pane danho rinotarisirwa uye ini semumwe ave nemakore ndiri mumutambo uyu ndakaona zvakakodzera kutangisa academy yangu iyo ndichange ndichibatsira vamwe vatambi nekuti ndinoziva kuti zvinorwadza sei kuve mutambi anokwikwidza mumujaho uyu,” anodaro.

Nyakoko anoenderera mberi achiti akabatana neimwe kambani inogadzira mawiricheya kuUnited Kingdom nekudaro ari kutsvaga rubatsiro kubva kuvakotsveri rwekuti akwanise kutakura mawiricheya aya kubva kunyika iyi kusvika kuZimbabwe.

“Ndakawana mawiricheya kuUK saka chiri kudiwa kuti tibhadhare mari inosvika $700 pawiricheya imwe chete kuti agotumirwe kuno. Tiri kutsvaga vakotsveri kuti vatibatsire basa ratatanga iri rifambe zvakanaka uye tigobatsire vamwe vatambi vasimukire vagosimudzawo mureza wenyika kunze uko,” anodaro Nyakoko.

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *