KWAYEDZA

Nyama inodarika makg 10 000 ichadyiwa padopiro rekugocha

neMunyori weKwayedza

DOPIRO guru reCastle Lager National Braai Day radzoka zvakare, apo kuchange kusingadanwi anonzwa kuGlamis Arena, muHarare, mangwana.

Chiitiko ichi chichaunza vaimbi, vanwi vehwahwa nevamwe panzvimbo imwe chete, apo pachadyiwa nyama yekugocha inodarika makg 10 000.

Dopiro iri richange richitsigirwa nekambani huru inogadzira doro nezvimwe zvinwiwa yeDelta Corporation nevamwe vayo vakaita seTexas Meats, Liquid, Star FM, Goldstar neBlackbox.

Pakirogiramu imwe neimwe yenyama ichadyiwa pachiitiko ichi, Castle Lager/Delta Beverages ichazopa nyama yakaenzana kuMpilo Central Hospital, kuBulawayo; Sally Mugabe Central Hospital, muHarare; nezvimwe zvipatara.

Muzvare Patricia Murambinda

Dopiro iri richaunza pamwe chete vaimbi vane mukurumbira vakaita saWinky D, Ex Q naEnzo Ishall.

Vachiri kusimukira vakaita saJnr Spragga, Atenda Chinx naDJ Loz vachange varipo zvakare.

Muzvare Patricia Murambinda, anova corporate affairs manager, anoti musanganiswa uyu wevaimbi vane mukurumbira unoratidza kuenderera mberi kweCastle Lager pakutsigira nekupemberera tarenda remuZimbabwe.

“Tiri kukoka voruzhinji kuti vauye kuzonwa nekufara pamwe chete padopiro iri. Matiketi eCastle Lager National Braai Day achange achitengeswa padandemutande achitangira paUS$10 kusvika US$15, uye kuchange kuine mibairo yakasiyana-siyana,” anodaro.

Muzvare Murambinda anoti matiketi edopiro iri achatengeswa panzvimbo inotevera yedandemutande: http://www.sahwigate.com/ uye vose vachawana mukana wekupinda muchirongwa ichi vachange vachipihwa nyama yakagochwa nedoro pachena.